Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vokurudzira Kuti Bato reZapu Rikasike Kutsvaga Achatsiva VaDabengwa


VaDumiso Dabengwa
VaDumiso Dabengwa

Sezvakanga zvakatarisirwa kumusangano wekongiresi yebato rezapu yechisere, VaDumiso Dabengwa vakadomwa zvakare kuti vatungamire bato iri pasina avakwikwidza.

Asi VaDabengwa vakashamisa vakawanda nemashoko avakataura pakutambira kudomwa kwavo ekuti havasi kuzokwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika dzichaitwa muna 2018.

VaDabengwa vakati bato reZapu rinofanirwa kudoma mumwe mutungamiri anozorimirira musarudzo idzi sezvo ivo vari kuronga kuenda kunozorora pavanosvitsa makore makumi masere ekuberekwa.

VaDabengwa vakazivisa kuti vachasiya chigaro pavanongosvitsa makore makumi masere ekuberekwa. Pari zvino vane makore makumi manomwe nemanomwe.

Asi danho iri rave kuonekwa nevamwe sekunge VaDabengwa vakapotsa kuronga vachiti vangadai vakatora mukana wekongiresi iyi kupa chigaro chekutungamira bato kune vachiri kutemwa dzinobva ropa.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya,avo vanotungamira sangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, COMALISO, vanoti pane zvinhu zviviri kana zvitatu zvinogona kunge zvakapa kuti VaDabengwa vasashandisa mukana uyu kuoneka bato ravo.

“Chekutanga ndechekuti eeh, mu politics, mumatongerwo enyika mune dzatinoti perception kana kuti ma idea anofambirana nezvinofungwa nevanhu, saka ma perceptions e democracy anenge achigadzirika kana mutungamiri weboka achiti iye inini ndinofanira kuti ndimbosiya kuti vamwe vambopinda,” VaNgwenya vanodaro.

Vanoti zvakare pane riva rakateyiwa rinogona kunge richitarisirwa naVaDabengwa kuti rinogona kubonya mbeva mbiri nguva imwechete.

“Musakanganwawo zvakareka kuti kune nhaurwa dze coalition idzi, eeh, inhaurwa dziya dzekuti kana vakakwanisa kunge vari mu coalition, eeh nyangwe bato ravo risina kuwanza ma seats, vanokwanisa kunge vachingobatabatawo kuti vangowanawo chekubata,” Vanodaro VaNgwenya.

Vanoti chimwe chinogona kuita kuti VaDabengwa vamboramba vachitungamira bato kuda kusiya vakwanisa kuona kuti achatora chigaro chavo anenge ave nehunyanzvi hwekutungamira bato here, pachitariswa hunyanzvi hwavanahwo ivo mune zvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG