Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Voshaikwa kuMusangano weZanu PF wePagore


VaDouglas Mahiya
VaDouglas Mahiya

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterabs Association, VaDouglas mahiya vanoti sangano ravo harina kukokwa kuti rive pamusangano uyu sezvinosimboitika makore ose apfuura.

Nhengo dzesangano revakarwa hondo yerusununguko dziri pasi paVaChristopher Mutsvangwa dzinoti hadzisi kuzoenda kumusangano wepagore weZanu PF, uyo uri kuitirwa kuMasvingo svondo rinouya.

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vanoti sangano ravo harina kukokwa kuti rive pamusangano uyu sezvinosimboitika makore ose apfuura, uye kana rikakokwa, harisi kuzoenda.

VaMahiya vanoti chikonzero chikuru chakaita kuti sangano ravo risakokwa kumusangano weZanu PF uyu ndechekuti havawirirane nevari kutungamiri hurongwa hwemusangano uyu, vanove vechikwata cheG40 icho chinonzi chiri kurwisana nechikwa che Team Lacoste.

“Eeh, ichokwadi kusvika pari zvino hatisati tatambira tsamba yekukokwa kuti tivewo pamwechete nechatakatambudzikira, pakaperera hupwere hwedu hwakakosha zvakadaro. Eeeh, hatisati tadaidzwa kumusangano iwoyo wakuitwa wevamwe vanhu isu tisipo,” VaMahiya vanodaro.

Vanoti izvi zvichapinda munhoroondo yemusangano weZanu PF kuti kekutanga musangano wakadai waitwa pasina nhengo dzevakarwa hondo yerusununguko vakasarudzwa zviri pamutemo.

VaMahiya vanoti kana vakazokokwa kuburikidza nehutungamiri hwavo, vachaenda kumusangano uyu kunotaurira vane simba pamusoro pematongerwo enyika nezviri kukanganiswa uye kutambura kuri kuita vanhu munyika pamwe nehuwori hwose.

"Kana vakaendesa vachitaura nehutungamiri hwedu isusu tinoenda kumusangano kunovataurira zviri kukanganiswa nekutambudzika kuri kuita vanhu munyika muno umu munyaya dzeupfumi, munyaya dzemari, munyaya dzemabasa, nehuwori hwese hunowanikwa munyika muno umu. Ndopatinohutaura. Kwete tiri kure nevane simba pamusoro pazvo, but takatarisana navo," VaMahiya vanodaro.

Panyaya yekuti zvimwe sangano ravo harina kukokwa sezvo hutungamiri hwavo hwakadzingwa mubato reZanu PF, VaMahiya vanoti havana kudzingwa muZanu PF asi kuti vakadzingwa muG40.

"Aah, ndandichida kuti iwe ugadzirise kuti eeh, wataura kuti Zanu PF, asi dai wati kudzingwa mumusangano weG40 ndozvakaitika. Wedu musangano hatidzingiki nokuti tisu zvidhinha zvakavaka musangano iwoyo, saka hatidzingiki nemunhu, hapana anogona kutidzinga," VaMahiya vanotsanangura.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kune murongi wemisangano muZanu PF VaSaviour Kasukuwere.

Musangano uyu uri kutarisirwa kutanga musi wa13 Zvita uchipera musi wa17.

Dingindira remusangano uyu rinoti ZimAsset Murunyararo neKubatata, kana kuti ZimAsset in Peace and Unity.

Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vari kutarisirwa kupinda mumusangano uyu.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG