Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votsigira Danho reVamwe Vakarwa Hondo rekuZvirumura Kubva kunaVaMugabe


VaBernard Manyadza
VaBernard Manyadza

Mumwe wevakarwa hondo yerusununguko, VaBernard Manyadza, avo vaizivikanwa nerekuti Parker Chipoyera, vanoti danho rakatorwa nevakarwa hondo yerusununguko rekuzvirumura kubva kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, idanho rakanaka chose, kunyange hazvo izvi zvakanonoka kuitika.

VaManyadza vanoti nyaya dzakasimudzwa nevamwe vavo pamusangano wavakaita nemusi weChina muHarare ndidzo nyaya dzakagara dzichisimudzwa nevamwe vakarwa hondo kubvira vachiri kuMozambique, izvo zvakazoita kuti vamwe vakaita saVaRugare Gumbo nevamwe vasungwe vachipomerwa mhosva yekuda kubvisa VaMugabe pachigaro.

"Kubva 1977 ndipo pakatanga dambudziko iri, VaMugabe vachipuhwa nyembe mbiri zvisina mumwe akambenge akaitwa kwaari, yekunzi 1st secretary and president, tikapa yambiro yakawanda yekuti mukapa munhu nyembe dzakawandisa dzakadai mangwana hamuzochemi naye here?" VaManyadza vanodaro.

Vanoti vakapikisawo danho iri vachiti haribvumidzwi nebumbiro remitemo yebato reZanu rakaumbwa kuGweru, asi hapana akavateerera. Vanoti zvaitwa nevamwe vavo izvi zvazunzawo hutungamiri hwaVaMugabe nevamwe vavo muZanu PF.

"Iye zvino izvi (VaMugabe) vari mu shock. Muchanzwa pane achanenedzerwa mhosva yekuti ndiwe wakonzereresa vanhu ava kuti vazoona maonero aya

Vakarwa hondo yerusununguko ava vakapomera VaMugabe mhosva yekuve nehumbimbindonga, vasingatarise vamwe vavakarwa navo hondo pamwe nevabereki vakatsigira hondo kusvika nyika yawana kuzvitonga.

Vakarwa hondo ava vanoti VaMugabe vakabvira kare vachingozvitarisa pachavo, vachishandisa vamwe, vachiti iye zvino vave kushandisa mapurisa nemamwe mapoka ehurumende kudzvanyirira vanhu vakavapinza pachigaro.

Zvichakadaro, bato rinopikisa rePDP raburitsa gwaro richiti rinotambira nemufaro danho rakatorwa nevakarwa hondo ava rekuzvirumura kubva kuhurumende yeZanu PF yarinoti yakazara nehuwori.

Bato reMDC T raburitsawo gwaro richiti rinotenda nemwoyo wese danho rakatorwa nevakarwa hondo ava nekubuda pachena kuti VaMugabe vapfuura nguva yavo yekuti varambe vachitungamira nyika, nekudaro vanofanirwa kusiya chigaro.

Vesangano reTajamuka vatiwo vari kuisa maoko kunhengo dzevakarwa hondo ava padanho rekusiyana naVaMugabe nevamwe vavo, richitiwo kwete kune vanonanzva zvisina shumo.

Hurukuro naVaBenard Manyenyeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG