Accessibility links

Breaking News

ZPP Inoshoropodza Mhirizhonga Iri Kuitika Pamberi peSarudzo dzeBy-Election kuChimanimani West


Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko
Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko

Bato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, RDZ, rinoti nhengo dzaro dziri kushungurudzwa nevatsigiri veZanu PF, mapurisa, mauto pamwe nemasadunhu, pamberi pesarudzo dze by-election dziri kutarisirwa kuitwa musi wa 26 mwedzi uno kuChimanimani West.

Mutauriri weRDZ VaPishai Muchauraya vanoti nhengo dzavo dziri kushungurudzwa pamwe nekunyimwa chikafu, mapepa avo ekushambadza nhengo yavo ari kubvarurwa uye vari kurambidzwa kuita misangano nevatsigiri vavo.

VaMuchauraya vanoti vakaedza kusvitsa zvinyunyuto zvavo izvi kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, asi havatarisiri zvikuru zvingashanduka sarudzo dzisati dzaitwa.

Izvi zvatsinhirwawo nesangano reZimbabwe Peace Project, iro raburitsawo gwaro rinotsanangura nezvemamiriro akaita zvinhu kuChimanimani West.

Sangano iri rinoti riri kushushikana kutyisidzirwa kwevavhoti uye rusarura pakupiwa kwevanhu chikafu vachitariswa kuti vabuda mumba maani.

ZPP inoti izvi zvinogona kutadzisa vagary kuvhota vakasununguka musi wesarudzo.

Bato reRDZ riri kumirirwa naVaPeter Tumburai Gudyanga, kwotiwo reZanu PF richimirirwa naAmai Nokuthula Matsikenyere, NCA ichimirirwawo naVaPesanai Musakaruka.

Pane imwe nhengo iri kukwikwidzawo yakazvimirira.

Chimanimani West yakasara isina mumiriri zvichitevera kudzingwa mubato reZanu PF kwaVaMunacho Mutezo vachipomerwa mhosva yekudyidzana naAmai Joice Mujuru avo vave kutungamira bato rinopikisa reZimbabwe People First.

Hurukuro naVaPishai Muchauraya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG