Accessibility links

Breaking News

Electoral College Yosarudza Mutungamiri weAmerica


Vanhu vachivhota musarudzo dzemuAmerica
Vanhu vachivhota musarudzo dzemuAmerica

Izvi zvinotevera sarudzo dzekudoma vanhu vaizosarudza mutungmiri wenyika ava dzakaitwa nezvizvarwa zveAmerica muna Mbudzi mumatunhu ose enyika aizokwikwidza akamirira bato ravo.

Vanhu vanokwana kuita mazana mashanu nemakumi matatu nevasere vavhota muAmerica vachisarudza mutungamiri wenyika, sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika iyi, kana kuti Electoral College.

Chikwata chevanhu ava chinomirira nhengo dzedare reparamende dzinoita mazana mana nemakumi matatu neshanu, dzeseneti dzinoita zana pamwe nevatatu vanomirira guta guru renyika reDistrict of Columbia vavhota kuti vasarudze mutungami wenyika nemutevedzeri wake.

Izvi zvinotevera sarudzo dzekudoma vanhu vaizosarudza mutungmiri wenyika ava dzakaitwa nezvizvarwa zveAmerica muna Mbudzi mumatunhu ose enyika aizokwikwidza akamirira bato ravo.

Vakakunda musarudzo dzakaitwa munaMbudzi ndaVaDonald Trump vebato re Republican Party, avo vakakunda Amai Hillary Clinton vaimirira bato re Democratic Party.

Asi Amai Clinton ndivo vakawana mavhoti akawanda kudarika VaTrump, izvo zvinonzi nevamwe ndizvo zvinofanirwa kunge zvichiteverwa pakusarudzwa kwemutungamiri wenyika.

VaTrump vanotarisirwa kukunda sezvo vakasarudzwa nematunhu akawanda anosvika mazana matatu nematanhatu, zvichienzaniswa neakasarudza Amai Clinton mazana maviri nemakumi matatu nemaviri.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachitungamira sangano reBuild Zimbabwe Alliance, Doctor Noah Manyika, vanoti havaoni paine zvinoshandurwa nesarudzo dzeElectoral College idzi sezvo VaTrump vakatosarudzwa kare nevakavavhotera.

Zvichabuda musarudzo idzi zvichaziviswa zviri pamutemo musi wa6 Ndira, 2017 mushure mekunge mavhoti aya everengwa nedare reparamende.

Doctor Manyika vanotiwo nzira yekusarudza nayo mutungamiri wenyika iyi kana kuti Electoral College iyi, haishande muZimbabwe sezvo musina matunhu anozvimirira akaita seemuAmerica, ayo anozviitira oga zvinhu zvawo.

Hurukuro naDoctor Noah Manyika
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG