Veruzhinji muZimbabwe vari kutevera kutsvaga rutsigiro kuri kuitwa nevari kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga mutungamiri pamberi pesarudzo dzemuAmerica vanoti vakadzidza zvakawanda kubva pagakava rakaitwa neChitatu naVaDonald Trump vari kumirira Republican Party naAmai Hillary Clinton vari kumirira Democratic Party.
Vakawanda muHarare vakaita saVaGilbert Tigere vanoti kuratidzwa kuri kuitwa vari kukwikwidza musarudzo idzi pachivhivhiti kunopa Zimbabwe chidzidzo chakakosha zvikuru pakatariswa nyaya yekupa mukana kumapato anenge achi kwikwidza musarudzo.
Asi mumwe mutsigiri weZanu PF, Muzvare Idah Rwafa vanoti kunyangwe hazvo vabereki vavo vari ivo vari kutevera sarudzo yekuAmerica, ivo havaneyi nezviri kuitika musarudzo idzi.
Muzvare Lynette Chikosha vanoti vari kuda kuti Amai Clinton vakunde VaTrump.
Vanoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, VaSaviour Kasukuwuwere, vanoti hurumende yeAmerica inofanira kuona kuti sarudzo idzi dzafambiswa zvakanaka zvichitevera mashoko aVaTrump ekuti sarudzo idzi dzakatobirirwa kare.
Mashoko atsinhirwa naVaPsychology Maziwisa vanove nyanzvi munyaya dzevmatongerwo uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Highfield West mudare reparamende.
America inowanzotsoropodza sarudzo dzemuZimbabwe ichiti hadziitwe zvine hutongo hwejekerere uye kuti bato riri kutonga reZanu PF rinobira sarudzo.
VaTrump naAmai Clinton vari kutatsurana musarudzo dzemutungamiri wenyika dzichaitwa musi wa8 mwedzi unouya.