Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuti iDzidzewo Kubva kuSarudzo dzemuAmerica


VaDonald Trump
VaDonald Trump

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muno muAmerica zvinoti nyanzvi munyaya dzesarudzo pamwe nevedzinhau vakakundikana kuona kuti VaDonald Trump vebato reRepublican ndivo vachakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Vazhinji vemapepanhau nematerevhizheni vaiti Amai Hillary Clinton veDemocratic Party ndivo vachakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika, idzo dzaikwikwidzwa nevanhu vashanu.

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere pamwe naVaelias Mambo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vaikwikwidzana naVatrump naMai Clinton ndaVaGary Johnson vebato reLibertarian, Amai Jill Stein pamwe nevakakwikwidza vakazvimirira, VaEvan MacMullin.

Vanhu vakawanda, kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda, vaifunga kuti Amai Clinton vachakunda VaTrump nyore nyore, vasina kana kumboburitsa ziya.

Asi, zvisineyi, zvinhu zvakafamba nepamwe, VaTrump vakakunda zvine mutsindo.

Mumashoko avo ekutambira kukunda kwavo, VaTrump vanoti vachashanda nemunhu wese, vachiti izvi zvakavakoshera zvikuru.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika Doctor Chipo Dendere, vanodzidzisa paGettysburg College mudunhu rePennsylvania vanoti zvizhinji zvinokwanisa kudzidzwa nevanhu vemuzimbabwe, zvikuru vemapato anopikisa, zvakaita sekunzwisisa kuti Zanu PF ine vanhu vanoitsigira.

Mutori wenhau webepanhau reZimbabwe Independent, VaElias Mambo, avo vari muAmerica mavaiongorora sarudzo, vanoti vanowirirana nemaonero aDoctor Dendere ekuti vanopikisa vanofanirwa kushanda kukurudzira vanhu kuti vanovhota.

Vanoti vanoona vanopikisa vachitarisira kuti vanhu vanofanirwa kungonovhota sezvo vasingadi Zanu PF kana mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

XS
SM
MD
LG