Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vopa Maonero Akasiyana paMashoko aVaMugabe kuUN


VaRobert Mugabe vari kumusangano weUnited Nations General Assembly
VaRobert Mugabe vari kumusangano weUnited Nations General Assembly

Vanhu vemuZimbabwe varatidza maonero akasiyanasiyana pamashoko akaturwa nemutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe nezuro kumusangano weUnited Nations General Assembly uyo uri kuitwa kuNew York kuAmerica.

Vamwe vanoti mashoko emutungamiriri wenyika akanaka chose asi vamwewo vachiti ainge asina kunaka zvikurusei pakushoropodza nyika dzinopa rubatsiro.

VaMugabe vakati sangano reUnited Nations rakaumbwa kuti ripe mikana yakaenzana kunyika dzepasi rese uye vakashora dzimwe nyika dzine simba pasi rino nekuda kumanikidzira nyika dzakaita seZimbabwe kuti dzitevedze zvinhu zvisingaenderani netsika dzadzo kana dzichida kuti dziwane rubatsiro.

VaMugabe vakati zvimwe zvezvinhu izvi, kuremekedza tsika dzechingochani idzo dzisingapindirani nechivanhu chemuZimbabwe.

VaElasto Panganai vanoti VaMugabe vakataura mashoko akanaka chose vachiti nyika dzepasi rese dzinofanira kuremekedzana.

Mumwe atsigira mashoko aVaMugabe ndiMuzvare Irene Pafiwa avo vaudza Studio 7 kuti mashoko avaMugabe akange akanaka chose uye vakanyanya kufarira kurudziro yavo yekuenzanisa mikana pakati pevakadzi nevarume.

Asi vamwevo vakaita saVaOwen Dhliwayo vanoti kunyange hazvo mamwe mashoko akaturwa naVaMugabe akange akanaka havana kufarira mashoko avo ekutukirira nyika dzinopa rubatsiro vachiti dzinoda kuvamanikidzira kuita tsika dzavasingawirirani nadzo.

VaMugabe vakati Zimbabwe haidi mari yekungopihwa pachena asi inoda rubatsiro rwekutanga mabhizimisi.

VaDhliwayo vanoti mutungamiriri wenyika vainge vaifanirwa kutaura mashoko anoita kuti vanoda kubatsira Zimbabwe vauye vakasununguka.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFortune Gwaze vaudzawo Studio 7 kuti mashoko aVaMugabe akange akanaka chose asi ivo VaMugabe pachavo vanofanira kuita zvavaikurudzira kuti dzimwe nyika dziite.

Asi vamwewo vanoongorora zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vangadai vakashandisa mukana uyu kutaura zvinhu zvinoita kuti dzimwe nyika dzisanyunyute.

Muzvare Gladys Hlatswayo, ndevamwewo vati VaMugabe vanofanira kushandisa mikana yakaita seUnited Nations kutura mashoko anoita kuti dzimwe nyika dzide kushanda neZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vakamboshanda kubazi rezvemari VaMasimba Manyanya vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vanofanira kusiyana nekatsika kekushoropodza nyika dzinopa rubatsiro sezvo Zimbabwe iri nyika inoda rutsigiro rukuru kubva kunyika nemasangano ekunze kuti imutsiridze hupfumi hwayo.

VaMugabe vanotarisirwa kudzoka kumusha nemusi weChitatu mushure mekupinda mumusangano wechimakumi manomwe weUnited Nations General Assembly uyo wakabuda nezvisungo zvitsva zvebudiririo nekupedza nhamo pasi rese mukati memakore gumi nemashanu ari kutevera, zve Sustainable Development Goals, izvo zviri kutsiva zveMillenium Development Goals.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandewere, avo vari muAmerica nechirongwa cheHubert Humprey, vanotiwo hapana zvitsva pamashoko aVaMugabe avakataura kumusangano uyu.

VaMandewere vanoti kuti VaMugabe vabviusirwe zvirango vanofanirwa kutanga vaona kuti zvakakonzera kuti vaisirwe zvirango zvagadziriswa here.

"Ndinoona sekuti America senyika yakazvimirira ine matanho ainoita kuti iongorore kuti kana paine zvirango zvinenge zvaiswa panyika, zvakodzera here kuti zvibviswe," vanodaro VaMandewere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG