Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Hurumende Yave Bhasikiti raTizirai


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, MDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kusatevedzera gwara rezvehupfumi rakajeka kuri kuitwa neZanu-PF, pamwe nekurwira chigaro chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Mashoko aya anouya apo sangano reConfederation of Zimbabwe Industries raburitsa mashoko ekuti kugadzirwa kwezvinhu mumakambani kwaderera nezvikamu makumi matatu nemana kubva muzana gore rino kubva pazvikamu makumi matatu nematanhatu kubva muzana.

Mutungamiri weMDC anoti makurukota muhurumende yaVaMugabe ari kuratidzwa kuti vanhu vapererwa nekudaro vave kuswera vachikandirana makobvu nematete.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vari kupota vachishorwa zvakanyanya nemamwe makurukota akaita saVaPatick Zhuwawo, gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema uye VaChris Mutsvangwa, gurukota rinoona nezvevakarwa hondo yerusununguko.

VaChinamasa vari kushorwa nenyaya yekuti vanonzi vari kunyanya kuzemberana nemabhanga anokweretesa mari eIMF neWorld Bank.

VaTsvangirai vanotiwo nyaya yekuti VaMugabe vakwegura yave kupa kuti nhengo dzebato ravo dziswere dzakabatirana makano.

Vanoti kunetsana uku kwave kutyisa vanhu vanoda kutanga mabhizimisi munyika sezvo hurumende yoita bhasikiti raTizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunhurwa.

VaTsvangirai, avo vakamboita mutungamiri wehurumende munguva yehurumende yemubatanidzwa, vanoti vari kufamba mumatunhu akasiyana siyana munyika asi zvavari kuona zviri kuratidza kuti vanhu vakawanda vari kudya nhoko dzezvironda.

Vanoti vanhu vakawanda havana chekudya uye vechidiki vakawanda havana mabasa.

Mutungamiri weMDC anotiwo bato rake rakagadzirira kushanda nevamwe vanopikisa kuitira kuti munyika muite shanduko.

Vanoti vakasunungukawo kushanda naAmai Joice Mujuru vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika asi zvinoti netsei pari zvino sezvo vasiri kubuda pachena kuti vave kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG