Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakaratidzira kuNew York Zvinoti Zvakabudirira


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York (09. 21, 2016.)
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachitaura kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York (09. 21, 2016.)

Zvizvarwa zveZimbabwe zvanga zvichiratidzira kumusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York zvinoti kuratidzira kwazvakaita kwemazuva mashanu kubva neMugovera kusvika neChitatu, kwakakosha zvikuru uye kwakabudirira.

Mumwe wevakanga vachironga kuratidzira uku, Muzvare Savanna Madamombe vanoti izvi zvakapa mukana kuvana veZimbabwe vakawanda wekuona kuti vanokwanisa kutaura zvavanoda.

Muzvare Madamombe vanoti kuratidzira ikoku kwakabatsirawo zvakare kuti hurumende yeZimbabwe pamwe nenyika dzose dzakapinda mumusangano weUnited Nations general Assembly uyu dzinzwewo zvinyunyuto zvavo.

Asi vanoti vanozviziva zvavo kuti Zimbabwe haife yakateerera zvinyunyuto zvavo, sezvayagara ichiita kwemakore makumi matatu nematanhatu ose aya.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakanga varikowo kumusangano uyu uye vakataura nemusi weChitatu.

VaMugabe vakati nyika yavo iri kundikana kuendesa mberi chirongwa cheZim Asset.

Hurukuro naMuzvare Savanna Madamombe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG