Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu Mbudzi 16, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mumiriri weAmerica muZimbabwe nhasi vavhura zviri pamutemo muzinda weNust American Space muBulawayo uyo uchapa vadzidzi nevagari vemuBulawayo mukana wekuwana ruzivo rwakasiyana-siyana kuburikidza nekudhandisa internet.

Vagari vemuHarare vari vashoropodza zvikuru kanzuru yeguta ravo nekutadza kutakura marara oita makomo mune dzimwe nzvimbo dzeguta iro raimbozivikanwa nekuti "sunshine city" nekugara rakachena. Mutori weddu wenhau Patricia Mudadigwa anotipa nyaya inotevera.

Varimi vakawanda vanoti vari kutadza kutora mari dzavo mumabhangi izvo zvave kuita kuti vatadze kutenga mbeu kuti vadyare paine nguva sezvo mvura yaturuka.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyika yeBotswana zvisina magwaro zvoshushikana nekushungurudzwa kwazvinonzi zviri kuitwa nemapurisa emunyika iyi.

Muchirongwa chedu che LiveTalk Diaspora Forum na 8:00pm nhasi tiri kutarisa nezvekushungurudzwa kwezvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro muBotswana pamwe nekune dzimwe nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA SHONA nekudzvinya pakanzi LIKE.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chitatu, Mbudzi 16, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG