Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Chikunguru 25, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vechidiki vebato rinopikisa reMDC T vanotarira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nguva yekuti vange vabuda muhofisi, vachitiwo mwedzi waNyamavhuvhu uchave mwedzi wekuratidzira. Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti havaoni bato iri riine hudzamu hwekuita izvi.

Nhasi tiri kutarisa zvakabuda kumusangano weInternational Aids Conference kuSouth Africa uyo wakapera neChishanu chapfuura.

Mave nekugedageda kwemeno munyika pamusoro pegwaro rinonzi rakaburitswa nevesangano revakarwa hondo rekuzvirumura kubva kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, zvichitevera mashoko ekuti hurumende yave kuferefeta kwakabva gwaro iri.

Musangano mukuru webato reDemocratic Party remuAmerica weNational Convention unotanga nhasi kuPhiladelphia mudunhu re Pennsylvania. Zvii zvingadizdwa nevana veZimbabwe pane zviri kuitika kumusangano uyu?

Muchirongwa cheLiveTalk, nhasi na 8:30pm tiri kutarisa nezvemusangano weInternational Aids Conference wakapera kuDurban kuSouth Africa neChishanu chapfuura.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Chikunguru 25, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG