Accessibility links

Breaking News

Pastor Evan Mawarire Vanoramba Mashoko eKuti Vari Kutsvaga Hupoteri kuAmerica


Vari kutungamira hurongwa hwe #ThisFlag, Pastor Evan Mawarire, vari muSouth Africa umo vari kusangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.

Pastor Mawarire vanoti hachisi chokwadi kuti vari kuda kutsvaga hupoteri kunze kwenyika sezviri kutaurwa mumamwe mapepanhau, vachiti vari muSouth Africa umo vane basa ravari kuita uye vari kutarisirwa kuenda kuAmerica munguva inotevera nebasa zvakare.

"Ini basa rangu nderekutaura nezvizvarwa zveZimbabwe kuti zviite chivindi chekutaura nekuratidza kusafara kwavo pamusoro pematambudziko ari kutarisana nenyika parizvino. Nhasi ndiri kuSouth Africa uko ndiri kutaura nezvizvarwa zveZimbabwe kuti tiwone kuti zvinhu zvofambiswa seyi kumusha uko. Ndakauya kuno kunoita basa rangu pamusoro pekuita zve #ThisFlag," Pastor Mawarire vaudza Studio 7.

"Hachisi chokwadi kuti ndichada kutsvaga hupoteri kuAmerica kunyangwe zvangu ndichashanyira nyika iyi munguva inotevera ukondichange ndichiita zvesvondo yangu. Handingatsvage hupoteri nekuti handina chandinotya kunyika yangu yechipikirwa. Ndichatanga ndadzokera kuZimbabwe ndisati ndaenda kuAmerica," Pastor Mawarire vaudza Studio 7.

Pastor Mawarire vari muSouth Africa panguva iyo zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSweden zvaratidzira pamuzinda weZimbabwe munyika iyi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muNew York zviri kutarisirwa kuratidzira nemusi weChina, zvichitevera kuratidzira kwakabudirira kwakaitwa neMugovera wapfuura muWashington D.C.

Zvimwe zvizvarwa zve Zimbabwe zviri kuAustralia neCanada zvakaratidzirawo pakupera kwevhiki rino.

Pastor Mawarire vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika zviratidze mafungiro azvo zvichishandisa nzira dzakasiyana- siyana.

"Chatiri kuda kuno chekutanga chinhu chakatoitika kare chiitiko ichi kubatana kwevana veZimbabwe panyaya yematambudziko atakatarisana nawo, asi kubatana kwacho kuchi tarisawo kuti toendepi? Tovaka Zimbabwe yakadiyi? Saka ndinowona kuti takatobudirira kare pakutanga nekubatana kwedu tichisimuka tese tichi taura tese nguva imwechete,'' Pastor Mawire vaenderera mberi.

Pakuti pfungwa dzavo dziri papi panyaya yekuti vari kuita humbimbindoga, Pastor Mawarire vati. "Ndinowona sekuti vana veZimbabwe tave nenguva yakawanda tichiri kuwunganirirwa nemapato akasiyana siyana anenge ane vanhu vakawanda vanenge vachitungamirira kana kubatabata basa racho.

"Ini ndinoti bato ratiyinaro iri ndere munhu wese, ndofunga ndomutsauko uripo pane mapato agara achi vakwa panguva inopfuura iyi.

"Nyaya iripo ndeyekuti umwe neumwe mwana weZimbabwe ndiye mutungamiri webato irori reThis Flag saka tinenge tichiti izvo pfungwa dzako semunhu iwewe ndinotodikanwa dzinotoita, kana kuti kwauri ikoko chisimukawo chitsvagawo zvaungaite kuti ndobata nepapi kana kuti ndopapfungwa ipi kuti dayi taita chakati kuti zvifambire mberi saka hausi humbimbindoga tiri pamwechete," Pastor Mawarire vaudza Studio 7.

Vati havana shungu yekuti vaite mutungamiri wenyika kana kuita zvematongerwo enyika.

"Basa rangu tiri mubato revanhu bato rema citizens ibasa randinoda kunyatso gumisidza, tisatu tanyatsosvika panzvimbo iyoyi yekuti regai timboita zvematongerwo enyika saka hmmm, kwete ini ndicharamba ndichingosimudza inzwi redu tichingoti hurumende yapinda iyoyo tinenge tingori nayo-nayo, tichi vavhunzurudza nekuvawonesa kuti ayihwa ruzhinji rweZimbabwe rwuchange rwakabatawo nyika yarwo kunyangwe vachitonga."

Pastor Mawarire vati zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakakosha sezvo zviri izvo zvakasimudzira nyika nekuchengeta vari kumusha panguva iyo zvinhu zvange zvakawomesesa munyika.

"Vari mu diaspora regai nditange ndichiti vanhu ava vanhu vakakosha kwatiri kunyika yedu yeZimbabwe, nekuti ndovanhu vaiti simudzira panguva yekuwoma kwehupenyu makore apfuura ayo saka tino vakurudzira tichi vafarira.

"Tichi enderera mberi ve diaspora tinenge tichi batana zvakare nepfungwa dzakasiyana siyana kuti toshandura seyi zviri kuitika kumusha.

"Ndinowana vamwe vedu vakabatana vakaenda kumaEmbassy edu eZimbabwe vachinoratidzira zviri pamutemo kuti ayihwa tibatsireyiwo kumusha zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Hurongwa hwakadaro tino kurudzira, ndinowona sekuti hucharamba huchiitwa."

Pastor Mawarire vati nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvirambe zvichitya yapfuura.

"Chekutanga chatinoramba tichi kurudzira ndechekuti kutya nekunyarara zvapfuura. Mwana wega wega weZimbabwe ngaachirega kutya kana kunyarara nekuti kana takawanda takasimuka nguva imwechete sezvatawona zvichiitwa kuZimbabwe nekune dzimwe nyika dzakasiyana siyana, tinoteerwa uye tino chengetedzana zvakare.

"Gwepiri takanangana takuenda kumberi chatinoziva chiri kuuya isarudzo tichange tichi batsirana kuti pasarudzo iyoyo yema elections iwayo umwe neumwe asvike panguva yekuti awane kunyoresa kuti agokwanisa kusarudza waanoda kuvhotera uye kudzidzisana kukosha kwekuvhota nezvinoreva vhoti yemumwe nemumwe kuti tizo hengetedza chinangwa chedu chekuti tivake Zimbabwe yakanaka," Pastor Mawarire vaudza Studio 7.

Hurukuro NaPastor Evan Mawarire #ThisFlag
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG