Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvisina Mapepa Zvoshushikana


Zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro ekugara muBotswana zvichi bvunzurudzwa nemasoja nemapurisa
Zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro ekugara muBotswana zvichi bvunzurudzwa nemasoja nemapurisa

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvisina magwaro ano zvibvumidza kugara pamwe nekushanda munyika idzi zviri kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu.

Munyika yeBotswana zvizvarwa zvisina magwaro ekugara pamwe nekushanda munyika iyi zvinonzi zviri kushikana nekushungurudzwa kwazvinonzi zviri kuitwa nemapurisa emunyika iyi.

Mazuva mashoma apfuura, zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvakapfurwa nemapurisa munyika iyi.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvawanikwa zviri kudivi remutemo rakaipa zvinonzi zviri kuendeswa kumadzishe uko zvinonzi zvinonozvambaradzwa nembaramatonya zvisati zvapotserwa kumusha.

Izvi zvinonzi ndezvimwe zvakazoita kuti hurumende yeZimbabwe inyunyute nemabatirwo ari kuitwa vana vayo neBotswana neSouth Africa, uko vamwe vari kupondwa kana kupiswa nezvizvarwa zvenyika iyi.

Mumwe mukuru-mukuru mubazi rezvekugara kwakanaka kwevanhu anonzi svondo rino akasvitsa nyunyuto iyi kumasangano anoti reRececption Centres neInternational Organisation for Migration, IOM, pane mumwe musangano wakakokerwa nemasangano maviri aya.

KuAmerica, vachangosarudzwawo semutungamiri wenyika iyi VaDonald Trump vakapinda pachigaro vachitungamidzawo nyaya yekuti vachadzinga munyika vose vasina magwaro.

Izvi zvinonzi zviri kupinzawo chando kune vana veZimbabwe vari munyika iyi zvisiri pamutemo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana, avo vanoshanda nevana veZimbabwe vari muSouth Africa nenyika dzakapoteredza, vanoti sangano ravo riri kuedza napose parinokwanisa kugadzirisa hugaro hwevana veZimbabwe muBotswana.

"Botswana tinoshanda nayo chaizvo. Tinogara takaenda kuBotswana kana tiine misangano yatinenge tichiita kana ma workshop. Uyezve kunogara zvizvarwa zveZimbabwe zvakati wandeyi saka tinoona kuti tinofanira kubatsidzana navo," Muzvare Zimbudzana vanodaro.

Vanoti vanoshandawo zvakanaka kwazvo nemamwe masangano emunyika iyi anomirira zvizvarwa zvekunze kwenyika akaumbwa nezvizvarwa zveBotswana.

Asi vanoti kurudziro yavo ndeyekuti hurumende yeBotswana ipe vana veZimbabwe magwaro anovabvumidza kushanda pamwe nekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Vanoti dambudziko guru nderekuti mutungamiri wenyika iyi, VaIan Khama, vanotaura pfungwa dzavo pamusoro pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, izvo zvinozoita kuti zvizvarwa zvenyika iyi zvifunge kuti vana veZimbabwe havafanirwi kunge vari munyika iyi.

Hurukuro naMuzvare Diana Zimbudzana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG