Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMari Roramba Kupera kumaBhanga


Vanhu vari mumitsetse pane rimwe bhanga muHarare
Vanhu vari mumitsetse pane rimwe bhanga muHarare

Dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuramba richikura munyika uye mamwe mabhanga ave kutora mazuva asina mari izvo zvave kukonzera kuti vanhu varare mumitsetse pamabhanga vachitsvaga mari.

Ongororo yataita inoratidza kuti dambudziko iri rakanyaya mumabhanga evatema kana kuti ma indigenous bank, akaita sePOSB, CABS neZB Bank.

Vanhu vakawanda vataura neStudio 7 vari mumitsetse pamabhanga vanoti vave kutogara pamabhanga uye vazhinji vavo vave nemazuva akati kuti vachitadza kuwana mari.

Sabhuku Kazingizi avo vanobva kuGuruve vaudza Studio 7 vari pane rimwe banga kuti vange vakangogara pabhanga kubva mangwanani uye vashandi vemubhanga iri vavaudza kuti bhanga ravo ranga risina mari.

VaSam Pito vanoti vakabva kuMt Darwin nemusi weSvondo uye kusvika pari zvino havasati vawana mari.

VaPito vaudza Studio 7 kuti havakwanisi kudzokera kumusha vasina mari nekuti havana kana chekubata.

Vamwe sekuru avo varamba kudomwa nezita, vanoti vave nemazuva vachitadza kutora mari yavo yemudyandigere.

Vamwewo sekuru vanobva kuDomboshava avo vati vanonzi VaShumba vanoti vari kutadza kuwana mari yavo kubhanga uye kubvira musi weMuvhuro vange vari kutenderera pamabhanga akawanda muguta vachitadza kuwana mari yavo.

Zimbabwe yatarisana nedabudziko guru rekushaya mari uye bhanga guru renyika reRBZ rinoti richaparura mari yemaBond Notes mwedzi unouya senzira kuyedza kupedza dambudziko iri.

Kunze kwemabhanga, makambani ekutumira mari akaita sana Eco-Cash, Mukuru nemamwe akatarisanawo nedambudziko rekushaya mari zvekutiwo vanhu vari kupedza mazuva akawanda vakamirira kutora mari dzinenge dzatumirwa nevadikanwi vavo.

VaThomas Mlambo ndemumwe weavo vanebhizimisi reEco-Cash uye vanoti kushaikwa kwemari kwave kuvavhiringira basa.

Mutevedzeri wemukuru webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaKhupukile Mlambo, vakaudza musangano weNational Economic Consultative Forum mazuva mashoma adarika kuti kunyange hazvo pakaparurwa maBond Notes dambudziko remari munyika richapera chete kana nyika ichinge yave kukwanisa kugadzira pamwe nekutengesa kunze zvigadzirwa zvayo zvakawanda.

VaMlambo vakati pari zvino nyika inowana mari yekunze kubva mukutenegesa zvicherewa zvakaita segoridhe neplatinum pamwe nefodya.

Vakatiwo kupera kwemwaka wekutengeswa kwefodya mwedzi wapfuura ndikowo kwaita kuti dambudziko remari riwedzere.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vaudza Studio 7 kuti havaoni dambudziko remari richipera pari zvino kudzamara nyaya dzehupfumi dzagadzirwa munyika.

Hatina kukwanisa kutaura nemutungamiriri wemubatanidzwa wemabhanga munyika, Amai Charity Jinya kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekunze muna 2009 mushure mekunge veruzhinji varamba kushandisa mari yaishandiaswa munyika ye ma bearer cheque ayo akange asisina simba.

Nyaya ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG