Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeRTUZ Dzinosendeka Kuratidzira Mushure Mekutyisidzirwa neVasori kwaMurehwa


Nhengo dzeRTUZ dzichiratidzira
Nhengo dzeRTUZ dzichiratidzira

Sangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe RTUZ, rinoti ramanikidzwa kusendeka kuratidzira kwanga kuchiitwa nehutungamiri hwaro zvichitevera kuwanda kwezviitiko zvekutyisidzirwa nevasori pamwe nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Mutewedzeri wemutungamiri wesangano iri Muzvare Thandiwe Dube vanoti vamanikidzwa kutora danho iri vachityira hupenyu hwavo pamwe nehwenhengo dzavo mushure mekushungurudzwa nevasori kubva pavakatanga kuratidzira kwavo kuMutawatawa, pavakaedza kurara pachikoro cheMashambanhaka uye paNhakiwa pavakateverwa nevasori ava.

Vanoti pavakazosungwa paMurehwa nekumiswa pamberi pedare kwemutungamiri wesangano iri VaObert Masaraure uye kutyisidzirwa nevasori pamwe nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF ndizvo zvaita kuti vasendeke hurongwa hwavo.

"tanga tabuda maMurehwa tichienda kwaBhora, asi tawana takamirirwa zvakare nevamwe vanga vachitotitsvaga ikoko," Muzvare Dube vanodaro.

Hutungamiri hweRTUZ hwanga hwakaronga kufamba kwemakiromita mazana maviri kubva kuMaramba-Pfungwe mudunhu reMashonaland East kunosvika kuHarare uko hwanga huchida kunosiya gwaro renyunyuto kumahofisi ebazi redzidzo yepasi pamwe nemahofisi ePublic Service Commission.

Muzvare Dube vanoti vanga vakwanisa kufamba makiromita zana nemakumi maviri, asi kutyisidzirwa kwavakaitwa nevasori paMurehwa pamwe nekusungwa kwedzimwe nhengo dzavo kwaita kuti vatore danho iri.

Asi vanoti musi weChina rinove zuva ravanga vakatarisira kusvika muHarare, vachangonosiya gwaro renyunyuto kumahofisi aya sezvavanga vakaronga.

Gwaro renyunyuto iri rinonzi rine zvichemo gumi zvinosanganisira nyaya dzemihoro iri pasi pe Poverty Datum Line, kukwidzwa kwemari dzekubatsirikana, kusimudzirwa kwezvikoro zvekumaruwa, kugadziriswa kwedambudziko rekushaikwa kwemari pamwe nekuti varairidzi vachiri kudzidzira basa vapiwe mihoro izere.

RTUZ inoti kana hurumende yakundikana kugadzirisa matambudziko aya inofanirwa kubva pachigaro kwoitwa sarudzo itsva.

Hurukuro naMuzvare Thandiwe Dube
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG