Accessibility links

VaBiti Vanoti Chirwirangwe cheVanopikisa Chinokwanisa Kubvisa VaMugabe

  • Blessing Zulu

Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti pari zvino vachiri kushanda nemumwe mubatanidzwa wemapato ezvematongerwo enyika unonzi Coalition of Democrats, kana kuti Code, asi havana kuvhara gonhi kuti vashande nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

VaTsvangirai, Amai Joice Mujuru veNational People’s Party uye vanotungamira chimwe chikwata cheMDC, VaWelshman Ncube, vari kuyedzawo kuumba mumwe mubatanidzwa wevanopikisa.

VaBiti vanoti kunyange hazvo vasingakwanise kufukura hapwa pari zvino, pane zviri kuitwa nemapato anopikisa zvavachazopakura munguva pfupi inotevera zvakanangana nekuita mubatira pamwe kuti vakunde mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo dzegore rinouya.

VaBiti vanoti bato ravo ragara richikuridzira mushandirapamwe wevanopikisa uye mukati memazuva mashoma anotevera vachazivisa nyika nezvehurongwa hwemushandira pamwe hwavari kuumba nevamwe vanopikisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG