Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Votarisirwa Kusangana neVatsigiri Vavo muHarare neMugovera


Vakafanobata chigaro chemutungamiri weNational People's Party, Amai Joice Mujuru -
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weNational People's Party, Amai Joice Mujuru -

Vechidiki mubato reNational People’s Party mudunhu reHarare vanoti vakakoka vakafanobata chigaro chemutungamiri webato ravo, Amai Joice Mujuru, kuti vange vachitaura pamusangano wavachaita neMugovera mumusha weChitungwiza.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muboka revechidiki mudunhu reHarare, VaSean Hamandishe, vanoti Amai Mujuru vanotarisirwa kutsanangura pamusoro pechibvumirano chekushanda pamwechete chavakanyorerana nemutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai.

Vanoti musangano uyu uchapindwa nevanhu vose vemudunhu reHarare neChitungwiza, uye vanoti Amai Mujuru vachatorawo zvakare mukana uyu kukurudzira vanhu, zvikuru vechidiki, kuti vanonyoresa kuvhota musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Vanotiwo musangano uyu uchaitirwa panhandare yeMacheke iri mumusha weSt Mary’s kubva nenguva dzegumi mangwanani, uye vakachenurwa kare nemapurisa, ayo vanoti vakazivisa kare.

Hurukuro naVaSean Hamandishe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG