Accessibility links

Mapato Anopikisa Orwisa Kuti Avewo neChekuita muZEC

  • Jonga Kandemiiri

National Electoral Reform Agenda, NERA.

Mapato anopikisa ari pasi pemubatanidzwa uri kurwira kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe, weNational Electoral Reform Agenda, NERA, nemamwe akazvimirira neMuvhuro akaita musangano neZEC kuti vajekeserwe nezvemamiriro achange akaita zvinhu panguva yesarudzo dza 2018, uye kuti apewo pfungwa dzawo.

Vari kutaura vakamirira NERA, VaDouglas Mwonzora vebato reMDC T vanoti semapato anopikisa, vaive nezvinhu zvitatu zvavanoda kuti ZEC igadzirise, zvinosanganisira kuti semapato vange varipowo panosarudzwa neZEC nzvimbo dzekuvhotera.

Vanoti vanodawo kuti mapato ezvematongerwo enyika apindewo mumakomiti eZEC, ayo vanoti akazara nemauto nevasori, uye vanodawo kuti vange varipowo panodhindwa magwaro ekuvhotesa.

VaMwonzora vanoti chikuru chanyanya kuti mapato anopikisa adewo kuve nechekuita nemafambisirwo enyaya dzesarudzo neZEC ndechekuti zvinhu zvose zvairerekera kubato riri kutonga reZanu PF.

XS
SM
MD
LG