Accessibility links

Breaking News

VaBhasikiti Vozvionera Vega Huipi hweZanu PF?


VaKudakwashe Bhasikiti
VaKudakwashe Bhasikiti

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nekushungurudzwa, kunyimwa chikafu pamwe nekutyisidzirwa kwevanhu mudunhu reMwenezi East pamberi pesarudzo dzekukutsvaga achatsiva VaKudakwashe Bhasikiti, avo vakadzingwa mubato reZanu PF.

Masangano anoti reZimbabwe Election Support Network, (ZESN), Zimbabwe Peace Project pamwe neHeal Zimbabwe Trust anoti bato riri kutonga reZanu PF riri kushandisa chikafu sechombo chekumanikidza nacho vanhu kuti varitsigire, uye kutyisidzira madzishe kuti anorasikirwa nendoro dzavo kana akasatinha vanhu kuti vavhotere Zanu PF.

Izvi zvinonzi ndizvo zvaita kuti VaBhasikiti, avo vanga vachikwikwidza vakamirira bato reZimbabwe People First vabude musarudzo idzi, vachiti vave kutyira hupenyu hwevatsigiri vavo.

Masangano aya anoti kuita kwakadai kutyora bumbiro remitemo, iro rinopa munhu wese kodzero yekupinda musarudzo akasununguka.

ZESN inokurudzira mapoka ose ane chekuita nesarudzo kuti aone kuti sarudzo dzaitwa pachiteverwa bumbiro remitemo uye zviga zveSADC, African Union nepasi rose.

Masngano aya anotiwo bumbiro remitemo rinopa masimba kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti imise mhirizhonga kanawo kutyorwa kwemitemo inobata sarudzo.

Asi vari kukwikwidza vakamirira Zanu PF, VaJoosbi Omar, varamba mashoko avari kupomerwa ekuti ivo nebato ravo vari kutysidzira vanhu uye kutenga mavhoti vachishandisa chikafu.

VaOmar vati VaBhasikiti vari kutaura semunhu ari kurwadziwa nekuti haachakwanisa kuvhoterwa zvakare kuti adzoke mudare reparamende.

Vanoti VaBhasikiti havana chavakaitira vanhu mumakore manomwe avakanga vari mumiriri weMwenezi East, kanawo pavakanga vave gurukota redunhu reMasvingo.

VaOmar vanoti ivo vashanda kwenguva yakareba mumwenezi vachidyidzana zvakanaka nevanhu, uye vakabatsira zvakasimba padambudziko reChingwizi, vachipa chikafu pamwe nekuvakira vanhu pekugara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG