Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMutare Yoronga Kubvisa Mhuri Dzakazvigarisa kuDevonshire neChikanga


Dzimba dzemhuri dzakazvigarisa panzvimbo yekanzuru yeMutare
Dzimba dzemhuri dzakazvigarisa panzvimbo yekanzuru yeMutare

Kanzuru yeguta reMutare iri kuda kuputsa zvitangwena zvemhuri dzinosvika chiuru chimwechete nemazana mashanu idzo dzakazvigarisa panzvimbo yekanzuru iyi mumusha weDevonshire pedyo neSakubva uye muChikanga.

Mhuri idzi dzinoti hadzisi kuzobvumira hurongwa hwekanzuru uhu dzichiti dzakatsikiswa bhanana pakuvimbiswa kupiwa pekugara kune imwe nzvimbo kusabhabha reDangamvura mushure mekubvisa mari kukanzuru iyi.

Meya weguta reMutare kanzura Tatenda Nhamarare vaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo haizi kuzodzokera shure panyaya yekubvisa mhuri idzi panzvimbo yavari kugara apo pasina mvura, zvimbudzi, migwagwa nezvimwewo sezvo zvichizokonzera kupararira kwezvirwere.

Meya vati vanhu ava vakazvigarisa pavari zviri kunze kwemutemo.

“Tiri kupedzisa hurongwa hwekuti vanhu ivavo vabviswe pavari nekuti vanhu ivavo vakazvigarisa panzvimbo iyoyo zvisiri pamutemo saka sekanzuru takabva kuita musangano svondo rapera wekuti tivabvise ipapo.”

Meya Nhamarare vaenderera mberi vachiti kanzuru yangomirira chete kuti iwane mapepa akakwana ekutamisa vanhu ava munguva shoma iri kutevera vobva vanopaza dzimba dzechimbi-chimbi dziri panzvimbo iyi.

“Kuvabvisa tiri kuzovabvisa manje-manje asi handingakwanisi kukupayi zuva chairo asi tiri kuzoita izvi sezvo pari zvino tiri kugadzirisa magwaro anodiwa kuti vanhu vabviswe. Saka zvinhu zvedu zvinenge zvava padhuze kuti tizviite, saka kana tichinge tatongopihwa magwaro iwayo hapana chichatimisa kuti tivabvise. Asi chikuru apa kuti tiri kuvabvisa manje-manje.”

Asi mhuri idzi dzinoti dzakatorovera mwoyo padombo zvekuti hapana chinokwanisa kudzibvisa ipapo kudzamara dzatsvagirwa kumwe kwekunogara.

Ambuya Mable Chipenzi mumwe wevanhu vakanozvigarisa kuDevonshire mwedzi minomwe yapfuura. Ambuya Chipenzi vanoti ivo hapana kwavari kuzoenda nyangwe zviite seyi.

“Asi kana vachida hondo pano hatizi kuzobva nokuti tiri kurwa hondo yemastands edu avakatitorera kuDangamvura. Pano hatizi kuzomirira kuevikitiwa sezviri kutaurwa izvi uye hatizi kutya zvakare.

“Kudzimarao vatiwanira pedu pekuti togara pano hatizi kuzobvawo, asi kana vakaevikitawo vanhu vari kuDangamvura vavakapa masitendi edu ndiko kuti tibvewo pano asi pasina izvozvo pano hatibvi.”

Zvimwe zvezvitangwena zviri kuDevonshire
Zvimwe zvezvitangwena zviri kuDevonshire

VaOnias Chitsara mutevedzeri wasachigaro wevanhu vakazvigarisa panzvimbo yave nemutauro iyi kuDevonshire. VaChitsara vanowirirana naAmbuya Chipenzi panyaya yekuramba vari pavakazvigarisa.

“Isusu kubva panoka hatizi kuzobva hatibviba kana vaite seyi ende shuwa hatibviba hatikunyebereyi; chatinoda ndechekuti iyo kanzuru pachezvayo kana yada kutibvisa pano ngaitigadzirire pekugara painoona kuti panoita pakanaka nekuti iyo kanzuru yakadya mare dzedu.

“Vakatidyira mare, seyi vakatadza kubvisa vanhu vari kuDangamvura vakatora pataida kugariswa isu tabhadhara? Zvinoreveyi kuti isu tainge tapiwa pedu pekugara tobviswa apa pava neSeven years miti yatakange tasina ikoko yatobereka isu tasara pachena vamwe vachembera, vamwe vakatofa vamwe vorwara tisati tapihwa pedu pekugara.”

VaLovemore Bome mumwe wevakazvigarisa paDevonshire. VaBome vanopika kuti kuzama kuda kuvabvisa pavari kuchava nekudeuka kweropa kana vasina kumwe kwavari kuda kuendeswa kwekunogara.

“Nyaya iyi tiri kuinzwa asi grader ravo ravari kuda kuunza tinoda kuona kuti rinofambira payi. Pane vakambouya neimbwa mwedzi miviri yapfuura asi hatina kutiza sezvo tisiri magweja kana mbavha saka tinoda kuvaona pavachauya, takaramba tiri pano nekuti tiri varombo hatina kwatinoenda.

“Takauya pano kuti tione pekugara, sezvo ikri nzvimbo yevarombo. Pano tine varombo, vachembera uye vakaremara vari pano, tinogezera munaSakubva River nekuti hatina mvura yacho zvakare.”

Ambuya Alexis Muchabveyo vanonyunyutawo nenguva yareba vasina pekugara, apa voda kubviswa zvechisimba nekanzuru.

“Ini ndave ne-20-years ndichiroja, vana vangu vairara pasi pemubhedha wangu nemurume tichiroja nekunetsa kweimba, izvezvi ndave nevazukuru vari kurarazve pasi pemubhedha wangu ndichirojazve, hungave hupenyu here hwakadai. Vamwe vekunanaDestiny vakauya manje manje vakapihwa pekuvaka dzimba dzavo ende dzakatovakwa dzikapera dzinosvika kuma 5 000, isusu takangomirira!”

Sachigaro wemhuri dzakazvigarisa idzi, VaMukungatu vanoti musi uchauya kanzuru ichida kuvabvisa pachazvarwa mwana asina bvudzi.

“Izvezvi izvi tinenge takatoigadzirira mwoto chaiwo, ngaitouya iyo kanzuru ichitotaura zvekupega pano kwete kuuya ichitaura zvimwe zvekutibvisa tinotorwisana zvekuti hapeno, nekuti panaapa hatisi kuzobva. Tinotoitaurira kuti ngaipege pano nekuti pano zvechokwadi hatisi kubva pano.”

Asi meya Nhamarare vanoti kutaura kwevanhu ava kutambisa havo nguva nekuti kana nguva yasvika havazi kuzodududza shure sezvinongoitawo nzou isingabvi munzira mayo nekugwauta kwembwa.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG