Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Voronga Kuripa Murimi Akatorerwa Purazi neMurume Wavo Mushakabvu VaSolomon Mujuru


Amai Joice Mujuru vachiita musangano naVaGuy Watson Smith muLondon. (Mufananidzo naViolet Gonda)
Amai Joice Mujuru vachiita musangano naVaGuy Watson Smith muLondon. (Mufananidzo naViolet Gonda)

Mutungamiri webato rinopikisa reZimbabwe People First Amai Joice Mujuru vanonzi vaita musangano kuLondon naVaGuy Watson Smith, murimi wechichena akatorerwa purazi rake zvine chisimba muna 2001 namushakabvu VaSolomon Mujuru, avo vaive murume waAmai Mujuru.

Mutauriri webato reZimbabwe People First VaJealousy Mawarire vanoti musangano waitwa naAmai Mujuru naVaSmith uyu ndewekutanga muhurongwa hwekuti vaone kuti vangaripa sei VaSmith nekurasikirwa kwavakaitwa nepurazi ravo pamwe nemidziyo yavo.

VaMujuru vanonzi vakatora purazi reAlamein riri kuBeatrice mudunhu reMashonaland East, iro rinonzi rairimwa fodya zvinotyisa naVaSmith, izvo zvakaita kuti murimi uyu atize achienda ku France kunove kwaari pari zvino.

Asi vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti Amai Mujuru vatora danho iri nekuti vave kuda kupemha rubatsiro rwebato ravo kunyika dziri kumawirira, kusanganisira Britain neFrance kuna VaSmith.

Vanoti munyika mune vanhu vakawanda chose vakamirira kupodzwa maronda kana kuripwa mushure mekushungurudzwa naVaMujuru kana ivo Amai Mujuru munguva yavaive muhurumende.

Asi VaMawarire vanoti danho iroro richasvika, asi chete kuti sebato vakangoronga kuti vatange nekuripa VaSmith senzira yekuratidza varimi vakatorerwa mapurazi pamwechete nevakagariswa patsva kuti bato ravo rakazvipira kushanda nevarimi vose zvisineyi kuti ndeve bato ripi.

Hurukuro naVaJealousy Mawarire
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG