Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ano Kundikana Kuendesa Pastor Mugadza kuMatare


Pastor Phillip Mugadza veRemnant Church
Pastor Phillip Mugadza veRemnant Church

Mapurisa nhasi atadza kuendesa kumatare murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mutungamiri wekereke yeRemnant, Pastor Patrick Phillip Mugadza, avo vakasungwa muHarare neChipiri mushure mekunge varatidzira vari muAfrica Unity Square.

Gweta riri kumirira Pastor Mugadza, VaGift Mutisi veZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti mapurisa avazivisa kuti achiri kuda kuferefeta nyaya iri kupomerwa Pastor Mugadza yekuita zvemusarinya, pasi pechikamu 46 (2) (v) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

"Pandaenda kumapurisa mangwanani ndichida kunoona kuti Mufundisi vamuka sei ndanzwa mapurisa achiti vari kuwedzera kumboferefeta, pane zvavari kuda kuwanikidza zvavasina kunge vakaita. Saka vanga vaenda kwakasungirwa Mufundisi kuparamende. Saka nekuda kwaizvozvo hatina kukwanisa kuenda kudare."

VaMutisi vanoti izvi zvave kureva kuti Pastor Mugadza vachaendeswa kumatare edzimhosva mangwana.

Vanoti vari kufadzwa nekuti mapurisa akazokwanisa kunzwa chikumbiro chavo chekuti Pastor Mugadza vaendeswe kuchipatara sezvo vari kuti vakarohwa zvakaipisisa nevanhu vakavatora kubva muAfrica Unity Square vakaenda navo paparamende panove pavakazosungirwa.

Pastor Mugadza vanonzi vaiparidza muAfrica Unity Square vakazvisunga necheni, izvo zvinonzi hazvina kufadza vanhu vakazovarova ava, avo vanofungidzirwa kuti vasori.

Hurukuro naVaGift Mutisi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG