Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anokanda Zvinokachidza Panga Pakaungana Muzvare Khupe neVamwe Vavo


Police teargas Khupe
Police teargas Khupe

Mapurisa ekumaruwa eLupane, mudunhu reMatabeleland North, anonzi ashandisa zvombo zvehutsi hunokachidza pane mumwe musha panga pakaungana nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, izvo zvasiya vamwe vakuvara.

Nhengo idzi dzinosanganisira mumwe wevatevedzeri wemutungamiri webato iri, Muzvare Thokozani Khupe.

Vachitaura mushure mechiitiko ichi, Muzvare Khupe vati ivo nevamwe vavo vanga vakaungana pane mumwe musha uri mu Ward 9 vachitaura nevatsigiri vavo pasi pechirongwa chavo che Bereka Mwana.

Chirongwa ichi chinokurudzira madzimai kuti aende kunonyoresa kuvhota.

Muzvare Khupe, avo vanova nhengo inomirira MDC muparamende, vati vazoshamiswa kuona mapurisa anodzivirira mhirizhonga anosvika kumakumi matatu apoteredza musha uyu achikanda utsi hunokachidza izvo zvaita kuti musangano uyu uaparadzwe.

Vatiwo vanhu vane chitsama vanosanganisira madzimai, vana vadiki pamwe nevakwegura vakuvara vachiedza kutiza pamusha uyu, ukuwo vamwe vachikanganiswa nechiutsi ichi, izvo zvaita kuti vamwe vaendeswe kuchipatara.

Muzvare Khupe vati sebato vari kumhang’ara nyaya iyi kumapurisa, sezvo varwiswa vasina kutyora mutemo.

Studio7 yakundikana kunzwa divi remapurisa ekuLupane sezvo nhare dzavo dzanga dzichiramba kupinda.

Kuungana kwevanhu pamba vachitaura zvavo zvinhu zvavo hakudi kuziviswa kumapurisa.

Asi mapurisa, ayo ari kupomerwa nevakawanda mhosva yekushandiswa neZanu PF, anogara akavhiringa misangano yezvematongerwo enyika, imwe yacho inenge ichiitirwa mumahotera.

Pasi pebumbiro remitemo yenyika, kana vanhu vachiita musangano wezvematongerwo enyika, vanokurudzirwa kuzivisa mapurisa.

Kana mapurisa achinge aziviswa, anofanirwa kuona kuti atumira mapurisa anokodzera kunochengetedza runyararo.

Asi mapurisa emuZimbabwe ari kutyora mutemo achiti iwo ndiwo anopa mvumo yekuti misangano iyi iitwe, chinova chisiri chokwadi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG