Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vopinda muKupera kweSvondo Vasina Mvura


Vagari vari kukurudzirwa kuti vachereredze mvura pamazuva anenge achigadzirwa pombi dzeku Morton Jaffray Water Works.
Vagari vari kukurudzirwa kuti vachereredze mvura pamazuva anenge achigadzirwa pombi dzeku Morton Jaffray Water Works.

Vagari veguta reHarare nematunhu akapoteredza vari kukurudzirwa nekanzuru yavo kuti vachereredze mvura yakawanda sezvo vachapinda mukupera kwesvondo vasina mvura sezvo kanzuru iri kuvandudza michina inochenesa mvura paMorton Jaffray Water Works.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti misha yakawanda muHarare, Ruwa neNorton ichange isina mvura kubva nenguva dza 8 manheru anhasi kusvika nenguva dza 8 dzemangwanani emusi weMuvhuro, asi musha weKuwadzana Extension uchange usina mvura kusvika musi wa 7 mwedzi unouya.

VaChideme vanoti hapana chikuru chakanyanya kusiyana nedzimwe nguva dzagara kanzuru yavo ichi vhara mvura pavanenge vachi gadzira michina kana kuvandudza michina yavo pamwe nepombi dzemvura.

Asi vanoti rwendo rwuno musiyano uripo ndewekuti chete pombi dzakawanda dziri muvhu dzave kuputika, chinove chiratidzo chekuti mvura yave kufamba mupombi idzi yawanda kuburikidza nekugadzirwa kwemichina inopomba mvura iyi.

“Vagari tiri kuvakurudzira kuti vachengetedze mvura parutivi yekushandisa pamazuva maviri atinenge takavhara mvura. KuKuwadzana Extension tichaendesa ma bowser,” VaChideme vanodaro.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG