Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yokurudzirwa Kuchenesa Mvura yeMuzvibhorani


VaPrecious Shumba vanotungamira Harare Residents Trust
VaPrecious Shumba vanotungamira Harare Residents Trust

Rimwe sangano revagari vemuHarare reHarare Residents Trust, rinoti riri kushungurudzwa nehurongwa hwekanzuru yeguta iri hwekuda kuvhara zvimwe zvibhorani zvinonzi zviri kuburitsa mvura ine tsvina, izvo zviri iyo imwe nzira iri kuwanisa vagari mvura.

Mutungamiri wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti sangano ravo riri kukurudzira kanzuru kuti itsvage nzira dzekuchenesa nadzo mvura yemuzvibhorani iyi, panzvimbo yekuti izvivhare.

VaShumba vanoti zvibhorani ndiyo chete nzira inovimbika iri kuwana nayo vagari mvura yekushandisa sezvo kanzuru iri kukundikana kuvawanisa mvura yakachena nguva dzose.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nemusi weChipiri nemutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, kubepanhau reDaily News, ekuti zvibhorani zvakanzi zviri kuburitsa mvura ine tsvina muHarare zvichavharwa.

VaChideme vanonzi vakatiwo vagari vanenge vachida kushandisa mvura yemuvhu vanofanirwa kutanga vaita kuti iongororwe navanamazvikokota vasati vachera zvibhorani.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Svondo rapera gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vakazivisa kuti pazvibhorani makumi maviri kubva muzvibhorani makumi matatu nematatu zvemumusha weMbare zvine mvura yakaongororwa zvakawanikwa zviine mvura yakasviba.

VaParirenyatwa vakazivisawo kuti zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana zvemvura yepasi munzvimbo zhinji dziri kutorwa mvura muguta zvine mvura ine tsvina.

VaShumba vanoti kanzuru inokwanisa kuisa twumasefa twunochenesa mvura yemuzvibhorani kana kuwanisa vagari mapiritsi ekuchenesa mvura vasati vaishandisa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG