Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inovimbisa Mabasa Vanachiremba Vari Kuramwa Mabasa


Kuramwa mabasa kwavanachiremba kunoisa varwere panjodzi
Kuramwa mabasa kwavanachiremba kunoisa varwere panjodzi

Kuramwa mabasa kwavanachiremba vemuzvipatara zvehurumende kuri kuenderera mberi, hurumende ichinzi yaisa vanachiremba vechiuto mune zvimwe zvipatara senzira yekuedza kurerutsa dambudziko ravepo.

Bepanhau reHerald rinoti kuramwa mabasa uku kwaita kuti zvimwe zvipatara zvibatanidze mapoka azvo, uyewo kushevedza vechiuto vane hunyanzvi kuti vabatsire.

Hurumende inonzi yazobvuma kuwanisa vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vari kuramwa mabasa ava mikana yekuti vashande muzvipatara zvehurumende zvekumaruwa kuburikidza nekuvhura mabasa mazana maviri nemakumi mashanu.

Munyori mukuru wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Alois Muzvaba, vanoti izvi zvanyoreranwa pasi neChipiri muHarare pamusangano waitwa pakati pevamiriri vehurumende nevamiriri vesangano ravo.

Asi Dr. Muzvaba vanoti izvi hazvirevi kuti vanachiremba vave kudzokera kumabasa sezvo pachine zvimwe zvichemo zvavo zviviri zvisati zvagadziriswa nehurumende.

Vanoti zvichemo zvasara ndezve mari dzavanofanirwa kubhadharwa kana vachinge vashanda usiku, idzo vanoda kuti dziwedzerwe kubva pa $288.00 kuenda pa$720.00 pamwedzi.

Vanoti vanodawo kuti vabvumidzwe kupinza dzimotokari munyika vasingabhadhariswe mitero.

Vanachiremba vepasi vakatanga kuramwa mabasa svondo rapera vachida kuti zvichemo zvitatu izvi zvigadziriswe.

Mukupera kwesvondo rapera vanachiremba vakuru vakabatanawo navanachiremba vachangopedza zvidzidzo ava mukuramwa mabasa vachiti vakanga vowandirwa nebasa.

Zvipatara zvikuru zvehurumende zvakatovhara mamwe mapazi nekuda kwekushaikwa hwavanachiremba.

Kuramwa mabasa uku kuri kuitikawo panguva iyo zvipatara zviri kunzi hazvina mishonga, uye michina mizhinji muzvipatara yave yakare.

Zvichakadaro, kuramwa mabasa kwevarairidzi vekumaruwa kwapinda muzuva repiri, sangano reAmalgamated Rural Teachers’ Union richiti huwandu hwevarairidzi vabatana nevamwe hwakwira zvichienzaniswa nemusi weMuvhuro.

Nhengo dzesangano iri dzakatanga kuramwa mabasa neMuvhuro dzichida kuti hurumende izivise mazuva aichavabhadhara mari dzebhonasi regore rapera.

Hurukuro naDr. Alois Muzvaba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG