Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Voronga Kuramwa Mabasa


Vanachiremba vadiki vari muzvipatara zvehurumende vari kutsutsumwa nemabatirwo avanoti vari kuitwa nehurumende
Vanachiremba vadiki vari muzvipatara zvehurumende vari kutsutsumwa nemabatirwo avanoti vari kuitwa nehurumende

Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo vari muzvipatara zvehurumende vanonzi vangangoramwa mabasa chero nguva zvichitevera kupera kwemazuva gumi nemana avakanga vakapa kuhurumende kuti igadzirise nyaya dzemashandiro avo.

Mutungamiri wesangano rinomirira vanachiremba vehurumende reZimbabwe Hospital Doctors’ Association, Doctor Edgar Munatsi, vanoti vachiri kurovana misoro nenhengo dzavo, asi mukupera kwemazuva matatu kana mana vanenge vave nechisungo chekuti voramwa mabasa here kana kuti vopa zvakare mukana kunhauriraro nehurumende.

Doctor Munatsi vanoti vanachiremba vachangopedza zvidzidzo vari kuda kuti mari dzekubatsirikana pamwe nemihoro yavo dziwedzerwe uyewo kuti vapiwe mukana wekushanda vakazvimirira pavanenge vapedza nguva yavanoshanda vari pasi penyanzvi.

Vanoti hurumende makore matatu apfuura yakambovapa vimbiso yekuti mari dzavo dzemihoro dzichawedzerwa zvichienderana nekuti munhu anenge achishanda zvakadii, asi vanoti kusvika pari nhasi hapana chati chaitwa.

"Chikuru ndechekuti tinoda kuti vashandirwi vatipewo tsamba dzinoita kuti vanhu vakwanise kuzvishandira pachezvavo, kungava kuvhura ma surgery kana kushandawo kuma private mushure mekunge vanhu vapedza makore maviri anoshandwa munhu achitariswa nevakuru kuti akugona kushanda ari oga here," vanodaro Doctor Munatsi.

Vanoti chimwe chiri kushungurudza vanachiremba inyaya yekusawedzerwa kwavo mari dzekubatsirikana pavanoshevedzwa kubasa usiku kana kuti on-call allowances kunyange hazvo muna 2015 hurumende yakabvuma kutarisisa nezvavo.

Pari zvino vanachiremba ava vari kupiwa mari inota $288.00, asi vanoti hurumende yakanga yabvuma kuti ikwidzwe kuenda pa $720.00.

Sangano reZHDA rinoti zvinenge zviri kuratidza kuti hurumende haina hurongwa hwekuti ingagadzirise sei matambudziko aya, sezvo hurumende yacho iri kuti hainawo mari.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG