Accessibility links

Huwandu hweVanhu Vanoda Rubatsiro rweChikafu Hworamba Huchikwira

  • Jonga Kandemiiri

Vanhu vanoda rubatsiro rwechikafu munyika panosvika mwedzi waKurume gore rinouya vanonzi vanenge vosvika mamiriyoni mashanu

Vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vanonzi vanoda rubatsiro rwechikafu panosvika Kurume wegore rinouya.

Izvi zvinonzi zvakabuda pamusangano wevane chekuita nenyaya dzechikafu wakaitwa muHarare nemusi weChina.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reUnited Nations muZimbabwe, VaBishow Parajuli vanonzi vakaudza musangano wakapindwa nevekuhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nevesangano ravo kuti hapana mari yakakwana yekubatsira munyaya dzechikafu.

Vanonzi vakati apo nyika yatarisana nenguva yakaoma inodiwa chikafu zvakanyanya, kusawanikwa kwerubatsiro rwakakwana kuchadzorera shure hurongwa hwekuwanira vanhu rubatsiro.

Zvinonzi nyika inoda mari inoita $352 million yekutenga chikafu, asi mari inoita $212 million ndiyo chete yawanikwa kusvika pari zvino.

VaMachinda Marongwe, vanove mukuru wesangano rinopa rubatsiro reOxfam, vanoti nyika yakatarisana nedambudziko gukutu, zvekuti huwnadu hwevanhu vanoda rubatsiro huchatoramba huchikwira.

Vanoti sangano ravo reOxfam riri kubatsira matunhu akaita seGutu kuMasvingo nechikafu nemari, uye chikafu chekupa zvipfuyo.

XS
SM
MD
LG