Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Vakawanda Vachinetsekana Kuwana Mari


Mwana wechikoro
Mwana wechikoro

Vabereki vakawanda vanonzi vachakundikana kugadzirira zvakakwana kudzokera kuchikoro kwevana vavo neChipiri pachatanga kotoro yepiri, nekuda kwekunetsa kwemari kumabhanga pamwe nemunyika yose.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti sesangano vatambira mashoko ekuti mitsetse yekutora mari kumabhanga yanga yakareba kudarika mamwe mazuva, uye mamwe mabhanga apererwa nemari.

Mumwe mubereki ane mwana anodzidza kuMazowe asina kuda kudomwa nezita anoti azokwanisa kuwana mari yekuti mwana afambise mushure mekumira mumutsetse wepabhanga kwenguva ndefu kwazvo.

Mabhanga mashoma asara achipa mari anonzi anga achipa madhora makumi maviri chete pamunhu, mari inonzi nevakawanda haina zvikuru zvainobatsira nazvo.

Doctor Zhou vanotiwo zvikoro zviri kuvhurwa pasina zvati zvagadziriswa pane zvinetswa zvekotoro yapera zvinosanganisira hwaro hwedzidzo hutsva, kana kuti curriculum.

Doctor Zhou vanoti vadzidzi nevadzidzisi vane dambudziko rekuona vanofunga kuti vari kusiiwa kunze panyaya yehwaro hwedzidzo hutsva sezvo pasina zvati zvaitwa zvekuvabatsira kuti vave nemabhuku ekushandisa.

Vanotiwo nyaya dzemari dzemihoro dzevarairidzi hadzina kutaurwa nezvadzo, izvo zviri kuita kuti varairidzi vanyunyute zvikuru.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG