Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanonetseka Kuwana Mari Dzavo kuMabhanga


PTUZ
PTUZ

Vashandi vehurumende vari mubazi redzidzo vazotambira mihoro yavo yemwedzi waMbudzi nhasi asi vasangana nerimwe dambudziko kumabhanga avo, sezvo atadza kuvawanisa mari dzavo.

Vashandi vehurumende vari mubazi redzidzo vazotambira mihoro yavo yemwedzi waMbudzi asi vasangana nerimwe dambudziko kumabhanga avo, sezvo atadza kuvawanisa mari dzavo.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti varairidzi vaenda kumabhanga vachibva muzvikoro zvavo zvakasiyanasiyana asi vasvikoshaya mari dzavo sezvo mabhanga anga achinzi haachina mari.

Doctor Zhou vanoti dambudziko iri rawedzerwa nenyaya yekuti mamwe mabhanga aderedza mari dzinokwanisa kutorwa nemhunhu pazuva kubva pamadhora makumi mashanu kusvika pamadhora makumi maviri nemashanu.

Doctor Zhou vanoti izvi zvakonzera kuti varairidzi vanobva kumatunhu ari kure, zvikuru kumaruwa, vashupike nepekurara.

Vanoti havaoni chikonzero chekuti hurumende yakaparura mari itsva yema bond note iwo mabhanga achiri kungonetseka kuti ape vanhu mari dzavo.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG