Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Zimbabwe Yatsvaira Chikwereti Chayo neSangano Iri


Mukuru weIMF Amai Christine Lagarde
Mukuru weIMF Amai Christine Lagarde

Sangano reInternational Monetory Fund, IMF, rinoti Zimbabwe yakwanisa kupedza kubhadhara chikwereti chayo chemari inoda kusvika $108 million, icho change chave nemakore gumi nemashanu.

Mashoko aburitswa nemukuru wezvekufambiswa kwemashoko muIMF, VaGerry Rice anoti Zimbabwe yakwanisa kuzadzisa basa rayo kuboka reIMF rePoverty Reduction and Growth Trust, kuburikidza nekutamisa mari ingangosvika $107.9 million yanga ichi chengetwa muhomwe yesangano iri, ichiendeswa kuPoverty Reduction and Growth Trust.

VaRice vanoti izvi zvave kureva kuti Zimbabwe haichina chikwereti sezvo yave kufambidzana nezviga zveIMF.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanoti danho ratorwa neZimbabwe idanho rakakosha zvikuru muhurongwa hwayo hwekubhadhara zvikwereti zvayo.

VaChitambara vanoti izvi zvinoita kuti mamwe masangano anokweretesa mari akwanisewo kuchitarisa Zimbabwe nemamwe maonero kubva pamamiriro ayanga yakaita.

Vanotiwo izvi zvichaita kuti vemabhizimusi vemuZimbabwe vakwanisewo kukwereta pamisika sezvo zita renyika rinenge ranaka.

Asi VaChitambara vanoti izvi hazvisi kuzobatsira Zimbabwe kuti ikwanise kupiwa zvimwe zvikwereti, sezvo ichine zvikwereti kuWorld Bank neAfrican Development Bank.

Zimbabwe ine chikwereti chinodarika bhiriyoni remadhora kuWorld Bank, kuchitiwo chimwe chemari inodarika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora kuAfrican Development Bank.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvehupfumi, VaPatrick Chinamasa, kanawo gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG