Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotsvaga Nzira Dzekuunganidza Nadzo Mari Inobva Kunze


Amai Sithembiso Nyoni
Amai Sithembiso Nyoni

Nekuona kukosha kwakaita mari inotumirwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukusimudzira hupfumi hwenyika, hurumende, kuburikidza nebazi rezvemabhizimusi madiki, yave kuda kuti mapindiro emari kubva kunze ave akarongeka.

Gurukota rezvemabhizimusi maduku, Amai Sithembiso Nyoni, vanonzi vakaudza sangano renhau reNew Zimbabwe.com kuti hurumende yavo ine hurongwa hwekutevera nzira dzinoshandiswa nenyika yeNepal, iyo vanoti haina kusiyana neZimbabwe.

Amai Nyoni vanoti Nepal inotenga zvakawanda kubva kunze kudarika zvainotengesa kunze, asi ichikwanisa kuti upfumi hwayo hugadzikane.

Amai Nyoni vanonzi vari kushanya nechikwata chavo kuNepal pasi pechirongwa chaitsigirwa nesangano reunited Nations Development Program, (UNDP), chekudyidzana kwenyika dzekuchamhembe.

Mukuru wePeakford Management, VaAlbert Mandizvidza, vanoti hurumende inokwanisa kuronga zvose izvi, asi havaoni ichizokwanisa kuzviita.

VaMandizvidza vanoti nyaya yekuti mari dzinobva kunze dzipinzwe munyika nemuronga unooneka inyaya yagara ichitaurwa chaizvo, uye pari zvino mhuri zhinji muZimbabwe dziri kuraramiswa nemari inobva kunze kwenyika iyi.

"Takatarisa iye zvino izvi, eeh, gore rapera, pane about $1 billion dzakabva kudiaspora dzichienda kuZimbabwe, inove mari hombe chaizvo," VaMandizvidza vanodaro.

Vanotiwo musiyano unozovepo pakati peZimbabwe nenyika dzakaita seNepal ndewe mashandisirwo emari dzacho, sezvo muZimbabwe mari zhinji iri kuenda kunotambiriswa vashandi vehurumende.

Hurukuro naVaAlbert Mandizvidza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG