Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votaura Pamusoro peMubatanidzwa weMapato Anopikisa


Mumwe mubatanidzwa wemapato ndeweNERA, uyo uri kurwira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo
Mumwe mubatanidzwa wemapato ndeweNERA, uyo uri kurwira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvave kupindawo munhaurirano dzemapato anopikisa ari kuronga kuumba mubatanidzwa pamberi pesarudzo dza2018 senzira yekubvisa nayo bato reZanu PF pachigaro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvave kupindawo munhaurirano dzemapato anopikisa ari kuronga kuumba mubatanidzwa pamberi pesarudzo dza2018 senzira yekubvisa nayo bato reZanu PF pachigaro.

Vamwe vanoti mapato anopikisa ari kunonoka kubuda nechisungo sezvo nguva yesarudzo iri kuramba ichiswedera.

Vamwewo ndivo vari kugununguna nekuramba mapato anopikisa matsva ari kuumbwa munyika, vachiti iyi inzira yevatungamiri vemapato aya yekuti vapinde nayo mumubatanidzwa uyu kuitira kuti vagozodya.

Vamwewo ndivo vari kuti mapato ane vatsigiri vakawanda sebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai anofanirwa kupinda akazvimirira sezvakaitwa nebato reZanu PF muna 1980, apo rakaramba kubatana nebato reZapu asi rakabudirira.

Mapato anopikisa muZimbabwe ari kusangana kuti abude nechisungo chekuumba mubatanidzwa uchazokwikwidzana neZanu PF, asi panenge pane kusawirirana mumapato ose aya sezvo pave nenhaurirano dzinokwana nhatu dzekuedza kuumba mubatanidzwa.

Pane mibatanidzwa yemapato anopikisa inoti weNERA, uyo une mapato anoda kusvika makumi maviri, weCODE, neweNational Transitional Authority.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri muOhio muAmerica, VaGilbert Kanyongo, vanoti vanotambira hurongwa hwekuti pave nemubatanidzwa wemapato anopikisa uhwu.

VaKanyongo, avo vakarerekera kuMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanoti izvi zvakakosha nekuti mapato aya anenge otaura nezwi rimwechete.

"Chinangwa chekutanga kuZimbabwe ndechekuda kuona kuti Mugabe (mutungamiri wenyika) abva pachigaro.

Saka Mugabe haangabve pachigaro uyu achitaura nekuku, uyu ari kutaurawo nekoko, uyu ari kuitaurawo nekoko. Saka nekuona kwangu vanhu maZimbabweans, vese vari kuZimbabwe nesuwo tiri kuno tinofanirwa kubatana, totarura nezwi rimwe chete," VaKanyongo vanodaro.

Vanoti iyi ndiyo chete nzira inogona kubvisa hutongi hwehurumende yaVaMugabe.

Mutauriri webato reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaPishai Muchauraya, vaudzawo Studio7 kuti hurongwa hwekuumba mushandira pamwe huri kufambira mberi uye hwave kutambirwa nemapato akawanda anopikisa.

Bato reRenewal Democrats of Zimbabwe riri mumubatanidzwa weCODE.

Hurukuro naVaGilbert Kanyongo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG