Accessibility links

Vamwe Vari Kunze Vodzokera Kumusha Kunotanga Zvimwe Zvitsva

  • Jonga Kandemiiri

VaCaston Matewu

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara kunze kwenyika zvave kudzokera kumusha zvichinotanga mabhindauko akasiyanasiyana, anosanganisira zvematongerwo enyika nemabhizimusi.

Vamwe vari kunotanga mapato avo ezvematongerwo enyika kuitira kuzokwikwidza musarudzo dzegore rinouya.

Vamwe vari kutanga zvikoro zvemhando yepamusoro vachishandisa ruzivo rwavanenge vakohwa kunze kwenyika, kuchitiwo vamwe vari kusvikotanga makambani avo kana kutungamira makambani agara ariko kare.

Asi mumwe wevanhu ava, VaCaston Matewu, avo vanga vachigara kuBritain, vari kufunga kunopinda mune zvematongerwo enyika vachikwikwidza musarudzo dzichauya vakamirira bato reMDC T, rinove ravagara vachitsigira.

VaMatewu vanoti vari kufunga kuzokwikwidza mudunhu reMarondera Central, kuMashonaland East, kana vakatambirwa nebato ravo.

Vanoti chakanyanya kuvasunda kuti vafunge kudzokera kumusha kuwondongwa kwavanoti kwaitwa upfumi hwenyika nehurumende yeZanu PF, vachiti vanoona sekunge vari kunze vanogona kugadzirisa dambudziko iri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG