Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anotadzisa Kuratidzira Kwanga Kwakarongwa muGuta reBulawayo


Mapurisa nehuwandu hwawo anonzi azadzwa muguta reBulawayo kugadzirira kudzivisa kuratidzira
Mapurisa nehuwandu hwawo anonzi azadzwa muguta reBulawayo kugadzirira kudzivisa kuratidzira

Kuratidzira kwange kwakanzi kuchaitwa nemasangano akazvimirira akasiyana-siyana pamusoro pebumbiro remitemo muBulawayo kwatadza kubudirira sezvo mapurisa anodzivirira mhirizhonga ange akazara mudhorobha iri.

Kuratidzira uku uko kwange kwakarongwa kuti kuchatanga nhasi muBulawayo kozoitwawo mune mamwe maguta munyika mangwana kwakarongwa nemasangano anosanganisira Bulawayo Youths Arise, Tajamuka, Zimbabwe Liberation Peace Forum, nemamwe.

Asi kuratidzira uku hakuna kuzobudirira sezvo mapurisa anodzivira mhirizhonga ange akazara muguta reBulawayo.

PaCity Hall Car Park apo pange pakanzi ndipo panotangira kuratidzira uku pange pane marori matatu kusanganirira mawater canon maviri nedzimwewo motikari diki.

Nemusi weChipiri mapurisa emuBulawayo aive anyora tsamba kumasangano aya achiazivisa kuti aisafanirwa kuenderera mberi nekuratidzira kwavaida kuita sezvo vaive vasina kuzivisa mapurisa nezvekuda kuratidzira kwavo munguva inotarisirwa.

Asi Muzvare Linda Masarira vaive vataurira Studio 7 nezuro kuti vaizoenderera mberi nekuratidzira uku nekuti vaive vazivisa mapurisa sezvinodiwa pamutemo.

Mumwe weavo vange vakaronga nezvekuratidzira kwanhasi Muzvare Abigail Mupambi ve“This Constitution, Our Campaign” vabvuma kuti kuvepo kwemapurisa akawanda mudhorobha kwavatadzisa kuenderera mberi nehurongwa hwekuratidzira sezvo vatya kuti vanhu vaizogona kurohwa kana kukuvadzwa nemapurisa.

VaMthokozisi Ncube vanove mumwe wevatungamiri veBulawayo Youth Arise varamba kuti chimwe chaita kuti kuratidzira kwavo kutadze inyaya yekuti veruzhinji havana chavanoona chinobatsira pazviri.

Vati ivo nemamwe masangano vachaenderera mberi vobatana nevamwe mukuratidzira kwavati kuchaitwa mangwana.

Vemasangano ava vanonzi vanga vachidawo kupa vagari mabhuku ebumbiro remitemo. Masangano aya anoti ari kuratidzira zvakare mangwana achiramba kutambira ma bond note anoti nehurumende achaparurwa mwedzi uno.

Mumwe mugari wemuBulawayo uyo angozvidoma nezita rekuti Kelvin ati maonero ake ndeekuti veruzhinji havana hany’a nekuratidzira nekuti havana chavanoona chakunobatsira.

Nyaya ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG