Accessibility links

Breaking News

Pastor Mugadza Voramba Vari Mutirongo


Pastor Patrick Mugadza
Pastor Patrick Mugadza

Nyaya yekuporofita kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa muna Gumiguru iri kupomerwa mutungamiri weRemnants Church, Pastor Philip Mugadza, yapinda mudare remejasitiriti muHarare, asi haina kutongwa.

Nyayza yatadza kunzwikwa mudare sezvo muchuchisi akumbira dare kuti iendeswe mberi kumusi wa 3 Kurume.

Gweta riri kumirira Pastor Mugadza, VaObey Shava, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti varamba chikumbiro chemuchuchisi ichi vachiti hurumende yanyanya kugarisa VaMugadza kwenguva ndefu vari muhusungwa, izvo zvazoita kuti mutongi wedare ati nyaya iyi inzwikwe nemusi weMuvhuro 20 mwedzi uno.

VaShava vanoti vanga vachidawo kukumbira dare kuti riregere Pastor Mugadza vachienda kumba vachiti kana hurumende ichizovada inovadaidza nemasamanisi.

Asi vanoti vazokundikana kuita izvi sezvo mapepa avanofanirwa kushandisa kuita izvi achiri munzira kubva kuBindura kwaakanga aendeswa.

Vanoti munyori wedare ndiye akanotora magwaro aya, uye vanotarisira kuti anenge ave mumatare neMuvhuro.

Pastor Mugadza vari kutarisirwa zvakare kupinda mudare neMuvhuro wakare neimwe nyaya yavari kupoemerwa yekushandisa mureza wenyika zvisizvo.

Mune imwe nyaya, kutongwa kwaPastor Evan Mawarire kwaendeswa mberi kumusi wa 16 Kurume mushure mekunge hurumende yazivisa kuti yanga isati yapedza kugadzirira.

Pastor Mawarire vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG