Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira muNyika nekuBotswana Okurudzira SADC Kuti Ipindire muNyaya yeZimbabwe


Masangano akazvimirira ave kukurudzira SADC kuti ipindire munyaya yeZimbabwe
Masangano akazvimirira ave kukurudzira SADC kuti ipindire munyaya yeZimbabwe

Mibatanidzwa yemasangano akazvimirira yemuZimbabwe neBotswana iri kukurudzira sangano renyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSouthern African Development Community, SADC, kuti ripindire mukutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko ari muZimbabwe.

Mugwaro raburitswa nemubatanidzwa wemasangano makumi matatu emunyika anosanganisira reZimbabwe Human Rights Association, Crisis in Zimbabwe Coalition, Amnesty International-Zimbabwe, masangano aya anoti ari kushushikana zvikuru nekudzikira kuri kuita zvinhu muZimbabwe munyaya dzezveupfumi, pamwe nechisimba chiri kushandiswa nehurumende mukupindura vanhu vari kuratidza kunyunyuta kwavo, sezvakaonekwa mumasvondo mashoma adarika.

Izvi zvatsinhirwawo nemubatanidzwa wemasangano ekuBotswana weBotswana Civil Society Solidarity Coalition for Zimbabwe, BOCISCOZ, uyo waburitsawo gwaro rekushushikana kwenhengo dzemasangano aya nechisimba chiri kushandiswa nehurumende mukubata kwayo nyaya dzekuratidzira kwevanhu.

Mubatanidzwa wekuBotswana uyu, uyo unosanganisirawo masangano anoti reBotswana Council of Churches, Botswana Council of NGOs, DITSHWANELO-Botswana Centre for Human Rights neMISA-Botswana Chapter, unoti huwandu hwekuratidzira muZimbabwe huri kukwira zvichikonzerwa nekuwedzera kwekuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi.

Masangano aya anoti izvi zviri kuwedzerwa nemutemo wakadzikwa nehurumende wekurambidza kupinzwa munyika kwezvinhu zvinobva kunze, izvo zvasiya vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanga vachirarama nekutengesa zvinhu izvi vasisina mabasa.

Magwaro emibatanidzwa miviri iyi ari kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze kodzero dzevanhu pamwe nemutemo wenyika.

BOCISCOZ iri kukurudzirawo zvakare hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze mitongo yematare edzimhosva, ishandure mitemo inokonzera kusagadzikana munyika, ibvise mutemo unorambidza kupinzwa kwezvinhu uyo inoti unotyora chibvumirano chekutengeserana kwenyika dzemuSADC.

Mubatanidzwa uyu uri kukurudzirawo mutungamiri weBotswana Va Ian Khama kuti vatore matanho sasachigaro weSADC.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weZimbabwe Human Rights Associationa, VaOkay Machisa, avo vanoti semasangano emuZimbabwe vari kuda kuti nyaya yeZimbabwe idzoserwe panhaurwa dzeSADC paichaita musangano wayo mwedzi unouya.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG