Accessibility links

Breaking News

Hurumende neVamiriri veVashandi Vanotadza Kuwirirana paNyaya yeDzimba


Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou

Musangano waitwa muHarare pakati pevamiriri vevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende pamusoro pechirongwa chehurumende chekuda kuwanira vashandi vayo dzimba, unonzi hauna chawaburitsa mushure mekusawirirana kwemapoka maviri aya pamusoro pemafambisirwo echirongwa ichi.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti pane zvinhu zvitatu zvinofanirwa kutanga zvatsetsenurwa kuti zvichafambiswa sei hurumende isati yatanga kubatira varairidzi mari dzavo.

"Hapana zvakafamba nhasi uno panyaya ye housing. Tingati pane zvinhu zvitatu zvinopa kuti nyaya ye housing itadze kufamba nekuti eeeh, avo vekuhurumende vanoda kuhwandira kubata ma $50.00 kuvarairidzi vese zvavo. Asi isisu position yedu ndeye kuti murairidzi mumwe nemumwe nemumwe ngaapiwe offer letter yekuti stand yako ndeiyi. Obvuma kuti ndinoida stand kana kuti handiidi," Doctor Zhou vanodaro.

Vanoti chimwe chisina kujekeswa ndechekuti kana nhengo yanga ichi bhadhara mari yayo yemba yakafa, chii chinozoitika kumhuri inenge ysara.

Doctor Zhou vanotiwo nyaya yetatu ndeyemutengo wedzimbabwe dzemuturikidzwa kana kuti ma flats, ayo vanoti mitengo yavari kunzwa iri pamusoro zvakanyanya zvekuti havaoni varairidzi, vavanoti vanotambira madhora mazana mana pamwedzi vangaigona.

Vanoti vari kunzwa kuti dzimba idzi dzichange dzchitangira pamadhora zviuru makumi matatu kusvika kumadhora zviuru makumi manomwe.

Hurumende inonzi iri kuda kuvaka dzimba dzemuturikidzwa dzine mipanda yakawanda dzichatengeserwa vashandi vayo nemari iri pasi, uye kuwanisa nzvimbo dzekuvakira dzimba mumatunhu ose emunyika.

Chirongwa chedzimba ichi chinonzi hachineyi nenyaya yakambonetsa yekuti vashandi vaizobatirwa mari dzavo dzemabhonasi semuripo wekubhadhara masitendi kana dzimba dzavanenge vawaniswa nehurumende.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG