Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vomirira Kunzwa Mazuva eMihoro Yavo yaZvita Pamwe neBhonasi


Vashandi vehurumende vachiratidzira
Vashandi vehurumende vachiratidzira

Vashandi vehurumende vakanyora tsamba kuhurumende neChishanu chapfuura vachida kuti ivazivise kuti vachawana mihoro yavo yemwedzi waZvita riini, uye kuti hurumende imire papi panyaya dzemari yebhonasi.

Vashandi vehurumende vakanyora tsamba kuhurumende neChishanu chapfuura vachida kuti ivazivise kuti vachawana mihoro yavo yemwedzi waZvita riini, uye kuti hurumende imire papi panyaya dzemari yebhonasi.

Sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende reApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti vakakurudzirawo hurumende kuti ikoshese kuvapa mari dzavo mwedzi uno kuitira kuti vakwanisewo kupinda muzororo reKisimusi vaine chekubata.

"Takanyorera hurumende tichibvunza kuti mari yedu yaDecember tinoiwana riini, uyezve bonus ra2016 tinoriwana riini. Asi mutsamba imomo takabva tanyorawo kuti chishuwiro chedu uye ndozvinhu zvinofanirwa kuitwa kuti vashandi vawane mihoro yavo Christmas isati yasvika," vanodaro Amai Alexander.

Nekuda kwekushaya mari, hurumende iri kutatarika kutambirisa vashandi vayo mihoro yavo mukati memwedzi wavanofanirwa kutambira mari, izvo zvave kuita kuti vazowana mari idzi mumwedzi unotevera.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakanga vazivisawo kuti gore rino hurumende haikwanise kupa vashandi vayo mari dzekuvatenda kana kuti mabhonasi, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzeupfumi.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakazozivisa kuti vashandi vaizowana mari, zvisineyi nekuti ichabvepi.

VaMugabe vakapa mutoro wekutsvaga mari iyi kumakurokota avo maviri, VaChinamasa naAmai Priscah Mupfumira, vanove gurukota rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG