Accessibility links

Breaking News

Munamato Wobatanidza Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica


Nhengo dzemakereke akawanda dzinotarisirwa kuungana muGaithersburg, Maryland, dzichinamata neMugovera
Nhengo dzemakereke akawanda dzinotarisirwa kuungana muGaithersburg, Maryland, dzichinamata neMugovera

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumakereke akasiyana-siyana zviri muD.C, Maryland, Virginia, neWest Virginia, muAmerica, zviri kusangana neMugovera muGaithersburg, mudunhu reMaryland, pazvichanamata zviri pamwechete.

Mumwe wevari kuronga munamato uyu, Amai Cassandra Rhoda Sibanda-Guni, vanoti hurongwa hwavo uhwu ndehwe rumutsiridzo kana kuti revival, uye chikuru chavakanangana nacho kutora mukana uyu kutenda vafundisi.

Amai Sibanda-Guni vanoti vafundisi ava vanomira nevana veZimbabwe chero nguva, pangave pakusuwa kana kufara.

“Takaona kuti zvakanaka kuti kamwechete pagore tisangane tichiwadzana, tichiita mubatanidzwa uyu uyezve tichiwana mukana wekuvatenda vafundisi ivava nezvavanotiitira semhuri yeZimbabwe,” Amai Sibanda-Guni vanodaro.

Vanoti vanotarisira kuti vachapiwa mashoko nevafundisi vangasvika vasere kana kupfuura, vanobva kumakereke anosanganisira United Methodist, Methodist, Anglican, Roman Catholic, Forward in Faith, Baptist, nemamwe akawanda.

Vafundisi vari kutarisirwa kukusha shoko vanosanganisira Mufundisi Isaac Mwase, Mufundisi Gladman Kapfumvute, Mufundisi Cecil Mudede, Mufundisi Richard Kurumidzai Sabvute nevamwe.

Amai Sibanda-Guni vanoti sezvo zvichinzi ukama igasva, hunozadziswa nekudya, chikafu chichange chiripowo chakawanda.

Hurukuro naAmai Cassandra Rhoda Sibanda-Guni
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG