Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanombomisa Makanzura eChitungwiza Basa


Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere. (Mufananidzo: kubva paTwitter Account yavo)
Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere. (Mufananidzo: kubva paTwitter Account yavo)

Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, vambomisa basa kanzuru yose yeChitungwiza vachiipomera mhosva yekuita zvehuori.

Kanzuru yeChitungwiza ine makanzura makumi maviri nemashanu anobva kumapato eZanu PF neMDC-T.

Vambomiswa basa ava vanosanganisirawo meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, avo vabvuma kuti ichokwadi kuti VaKasukuwere vashandisa avanoti masimba avo pasi pemitemo inobata maguta kuita izvi, uye vapiwa svondo rimwe chete kuti vape divi ravo.

Vakasukuwere vadomawo VaMadzudzo Pawadyira, mudzviti weChitungwiza VaZivai Chisango pamwe nevaimbove kanzura vari veZanu PF vangonzi VaMabhiza kuti vambobata matomu.

Asi VaMutoti vanoti havasi kugutsikana nedanho ratorwa naVaKasukuwere iri, uye varambawo zvimwe zviri kupomerwa makanzura aya, kunyange hazvo varamba kutaura nezvazvo.

VaMutoti vanoti nyaya yaita kuti vambomiswa basa ndeyekushandisa kwakaita kanzuru yavo mari kubva kuhomwe yekanzuru vasina kutanga vapiwa mvumo navaKasukuwere.

Vanoti sekanzuru, vakawirirana kumboshandisa mari inoita $140 000.00 vachibhadhara vashandi vekanzuru muna Zvita wegore rapera, kuitira kuti vashande, avo vakanga vave nenguva vasiri kuwana mihoro yavo, kuitira kuti vaende kuzororo reKisimusi vaine twumari.

“Management yakatikumbira kuti titore mari yemu state account tibhadhare vashandi then yozodzoserwa after two months, saka takaita saizvozvo. Taita saizvozvo, finance director vakabva vadzosera mari inoitawo $100 000.00. Havana kuzodzosera yese iri 140 nekuti mari yacho yanga ichinetsa. Saka ndonyaya yatamisirwa kunzi imimi makakweretereyi mari ku state account,” VaMutoti vanodaro.

Vanoti ivo semakanzura vaifunga kuti VaKasukuwere vaiziva nezvenyaya iyi nekuti vakanga vavatumira shoko rekuti vamboshandisa mari iyi vachizodzosera.

VaMutoti vanoti munyori mukuru wekanzuru akavazivisa kuti vakanga vapiwa mukana wekuti vatore mari, asi ivo vakanga vasina kuziva kuti akanga asina kuwirirana naVaKasukuwere.

Kanzuru yeChitungwiza yagara ichipomerwa mhosva yekusafambisa basa zvakanaka, uye nyaya dzehuwori, zvikuru mukuwaniswa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba.

Hurukuro naVaPhilip Mutoti
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG