Accessibility links

Hupenyu Hwoomera Vagari veMuchinhoyi, Avo Vokwanisa Kutenga Zvekudya Zvenguva Imwechete

  • Arthur Chigoriwa

Vamwe vagari vekuChinhoyi vave kurarama nekutenga zvekudya zvinovakwanira zuva rimwechete

Vagari vemuChinhoyi vanoti hupenyu huri kuramba huchioma munyika zvekuti vakawanda vavo vave kurarama nekutenga kana kutengesa upfu, mafuta kana usavi hunokwana musi mumwechete.

Pamusana pekuda kwenhamo yapfunya chisero mudzimba dzakawanda, vazhinji havachakwanisa kutenga zvekudya zvinokwana mhuri panguva imwechete.

Vakawanda vave kutenga zvekudya zvinokwana kudya musi mumwechete zvino zivikanwa nezita rekuti "tutsaona".

Kana huri hupfu, hunenge huri muzvigaba zviduku zvakasiyana siyana kubva pa 500grams, 1kilogram kana 2kilograms. Mafuta anotengeswa mumabhodhoro madiki kubva pa100ml kusvika pa500ml.

Izvi zvave kuita kuti vakawanda vaite bhizinesi rekutengesa zvekudya mudzimba nemumigwagwa.

VaBenard Kaseke, avo vano gadzira shangu vari pamba pavo, vanoti vanotengesa zvekudya izvo zviri kuvararamisa.

VaKaseke vanoti vanotengesera pamba sezvo vasingakwanise kubhadhara rendi iyo vanoti inodhura.

Muzvare Janet Marongwe vanotengesa zvekudya kuti vawane kurarama asi vanoti mari yavanowana ishoma zvekuti vari kutadza kubhadhara pekugara.

Amai Thembise Moyo avo vanotengesa zvekudya kuvana vechikoro cheNemakonde, vanoti zvakavanakira nekuti havabhadhare pekutengesera.

Amai Moyo vanoti madhora makumi matanhatu emudyandigere anopihwa murume wavo mashoma uye mari iyi haisi kuuya nenguva.

Japhert Mutandarika mwana wechikoro wepaNemakonde anoti zvinhu zviri kuomera vabereki zvekuti havachapihwa mari yekutenga zvekudya kuchikoro sezvavaimboita nguva yakare.

Muzvare Marongwe vanoti havatarisire kunaka kwezvinhu munguva pfupi inotevera sezvo makambani akawanda akavhara.

Kanzuru yeChinhoyi inoti iri kunzwira tsitsi vagari vayo nekuda kwekuoma kwehupenyu.

Vachitura bhajeti reguta mwedzi wapera, kanzura Ignatious Zvigadza vakati kanzuru yavo ichabvumira vanhu kutengesa chero vachibhadhara mari inoita masendi makumi mashanu pazuva.

XS
SM
MD
LG