Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votsamwiswa neMashoko aVaChinamasa


Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa (February 2010 file photo)
Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa (February 2010 file photo)

Vashandi vehurumende vari kudya marasha zvichitevera mashoko akaturwa negurukota rezvehupfumi, VaPatrick Chinamsa nemusi weChina pavaitura hurongwa hwavo hwemashandisirwo emari yehurumende hwepakati pegore, ekuti vashandi vehurumende havasi kuwana mabhonasi kwemakore maviri kutanga gore rino.

VaChinamasa vakatiwo hurumende ichabata mitero pamari dzekubatsirikana, pamusoro pekugumura vashandi vanodarika zviuru makumi maviri mabasa senzira yekuchengetedza mari yavanoti iri kungoeredzwa nemihoro yevashandi vehurumende.

VaChinamasa vakati zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitanhatu kubva muzana zvemari iri kuwanikwa nehurumende pari zvino zviri kuperera kumihoro yevashandi vayo, izvo zviri kuzoisiya isina mari yezvirongwa zvebudiriro.

Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa
Gurukota rezveupfumi VaPatrick Chinamasa

Asi mashoko aya atambirwa nevashandi vakabata makano, vachiti hurumende inenge yazvisikira moto muziso kana yakatora matanho aya.

Sangano revarairidzi vekumaruwa, re Rural Teachers Union of Zimbabwe ratoburitsa gwaro rekukurudzira kuti VaChinamasa vasiye basa pamwe nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye mabasa sezvo vakundikana kutungamira nyika.

Sangano iri rinoti kana hurumende yakaenderera mberi nehurongwa hwayo uhwu, richarega kuenda kumhemberero dzezuva revarairidzi dzinoitwa munaGumiguru, senzira yekuratidza kunyunyuta kwaro.

Sachigaro weApex Council Amai Cecilia Alexander vaudzawo sangano renhau reReuters kuti havasi kuzotambira hurongwa uhwu.

Mutungamiri wePTUZ Doctor Takavafira Zhou vanotiwo zviri kurongwa nehurumende izvi hazvisi kuzotambirwa nevashandi sezvo isina kumbonzwawo pfungwa dzavo.

"Hurumende yamutsa hondo nevashandi, yave ku attacker vashandi saka naizvozvo kana vashandi vakaona hurumende ya declare hondo kwavari vanozvidzivirira," Doctot Zhou vanodaro.

Doctor Zhou vanoti hurumende ine nzira dzakawanda kwazvo dzekuderedza nadzo mari yainoshandisa, dzakaita sekudimura huwandu hwemakurukota pamwe nekubvisa mari dzekubatsirika dzinopiwa vakuru vakuru vemuhurumende.

"Hurumende kana isina mari, sei ine maseneta asina zvaari kuita? sei iine ma ministers akawandisa, kana ma vice president akawandisa?" Doctor Zhou vanobvunza.

Vanoti vari kusangana pasi peApex Council neMuvhuro kuti vazeye nezvenyaya iyi, vobuda nechisungo chimwechete vachitaura nezwi rimwechete.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi mune zveupfumi Doctor Prosper Chitambara vesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti VaChinamasa vakaronga zvakanaka zvekuderedza mari yainoshandisa, asi vanoti panofanirwa kunge paine nhaurirano pakati pehurumende nemasangano anomirira vashandi.

"Zvakataurwa (naVaChinamasa) zvizhinji zvakati nakeyi. Of course zvinenge zvichida kuti pave ne dialogue nema union especially panyaya dzekuderedzwa kwema pecks kwakuitwa kuma allowance nezvimwe zvakadaro," Doctor Chitambara vanodaro.

Vanotiwo dare remakurukota renyika rakakurisa kwazvo, zvekuti panofanirwa kutorwa matanho ekuona kuti huwandu uhwu hwaderedzwa.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG