Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMasvingo Vooneswa Chitsvuku neKunetsa kweMari muMakambani Anofambisa Mari neNharembozha


Mukuru weEconet Wireless Zimbabwe VaDouglas Mboweni vachiparura chirongwa che Eco-Cash
Mukuru weEconet Wireless Zimbabwe VaDouglas Mboweni vachiparura chirongwa che Eco-Cash

Vagari vemudhorobha reMasvingo votsutsumwira vana muzvinabhizimusi vanoita zvekutumirwa kwemari kana kuchengeta mari pachishandiswa nharembozhanhare vakaita se Eco-Cash, vachiti mari yavakunetsa kutora kubva kumakambani aya sezviri kungoitika kumabhanga.

Izvi zvinotevera kushomeka kuri kuita mari munyika kwakatanga nekumabhanga asi kwapfachukirawo kumakambani edzinharembozha anochengeta mari kana kufambisa mari.

Izvi zvinonzi zvave kuita kuti vagari vazhinji vakange vatiza mabhanga chaiwo vaite dambudziko rekuwana mari dzekuti vachengete mhuri dzavo.

Vagari vataura nestudio 7 vanoti svondo rino rose vange vachi kundikana kutora mari mudzinharembozha dzavo apo vanenge vaenda muzvitoro zvinomirira kambani yenharembozha yeEconet iyo inoita zve eco-cash.

Mumwe wevari kunetseka nekutora mari yavo kubva munharembozha yavo ndiVaTaurai Chikwata avo vanoti vave nevhiki yose vachitenderera muzviotoro nekuvamiriri vemakambani emari vachinzi hakuna mari.

"Ini zviri kutondinetsa nekuti taimboshandisa mabhanga. Taona kuti zviri kunetsa takaisa mari ku eco-cash asi iye zvino takuishayiwavo, saka hatizivi kuti chii chiri kuitika sezvo vazhinji vanopa mari iyi vane zvitoro vachiti havawane mari yakawanda pazuva."

Vamwe vagari vanoti hupenyu hwavaomera zvikuru sezvo eco-cash yanga yava nzira iri nyore kuchegengetedza mari nekuzoiwana usina kumboenda kubhanga.

VaElliot Mafukidze vanoti ivo nyika yazosvika pakuoma kana mari yoshaikwa kose-kose, vakapomera vezvitoro nevamiriri vemakambani emari mhosva yekuvanyima mari yavo.

"Tinoona sekuti ma agents ari kunyima vanhu mari nenyaya yekuti kuri kuda kupinda ma bond notes saka vanoda kuzoshandisa mari kumberi, asi izvi zvirikuita kuti titambure nekuti hatikwanisi kuriritira mhuru dzedu tisina mari."

Vezvitoro ava varamba mhosva yavari kupomerwa vakanakurira nyoka mhenyu kukambani yeEconet iyo yavari kuti haisi kuzovapawo mari dzavanenge vapa veruzhinji.

Vamwe Amai vati vanoda kuzivikanwa nekuti Mai Tinashe vachishanda neEconet mumwe wevemabhizimusi varamba kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

"Zviri kutaurwa hazvisi chokwadi asi pane zviri kuitika pakati pedu neEconet, haisikutipa mari saka isuwo tiri kutadza kuti tiwane yekupa vanhu."

Studio 7 haina kukwanisa kutaura neve kambani eye Econet kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Muongorori wezvehupfumi muMasvingo, VaEdgar Gomba vanoti kushaikwa kwemari kumabhanga kwapfachukira kumbozhanhare kuri kukonzereswa nekutya kwakapinzwa muvanhu apo pakataurika nhau dzekuuya kwema bond notes.

"Vanhu vakaudzwa kuti bond notes richauya saka vanhu vave kutya kushandisa mari yeU.S. saka vave kuchengetedza kuitira kuti panozouya mabond aya vanosara vane mari yekuzotenga zvinhu kunze kwenyika."

Kushaikwa kwemari mumabhanga svondo rino kwaita kuti vari pamudyandigere varare mumavharanda emabhanga vakamirira mari uye vane mari dziri mumbozharunhare vashaye zano mushure mekutadzawo kutora mari idzi.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG