Accessibility links

Breaking News

Parirenyatwa Inowana Rubatsiro rweMari yeOpen Heart Surgery


Kambani yeNational Oil Infrastructure Company of Zimbabwe yapa mazana matatu nemakumi mashanu ezviuru amadhora kuParirenyatwa Group of Hospitals kuti mari iyi ishandiswe mukuopareta moyo pasina muripo.

Sachigaro weNOIC, VaJimias Madzingira, vati vakatanga kubatsira vane chirwere chemoyo gore rapera kuburikidza nekutumira vanhu vanomwe vaive nedambudziko remoyo kunovhiyiwa kuIndia.

VaMadzingira vati sekambani vakazoona kuti kubatsira zvipatara zvemuno kuti zvigonewo kurapa chirwere chemoyo zvinobatsira vanhu vazhinji vane dambudziko remoyo.

Derrick Kadewere, uyo ane makore gumi nemapfumbamwe, akabatsirwa gore ra2016 kunorapwa moyo kuIndia.

Kadewere anoti semunhu akaponeswa nerubatsiro, afara zvikuru kuti kambani yeNOIC yabatsira Parirenyatwa nemari.

Kadewere anoti kurapwa kwemoyo pachipatara apa kuchabatsira vanhu vazhinji sezvo vanhu vakawanda vachikundikana kuunganidza mari dzekuenda kunorapwa kunze kwenyika.

Mumwe wevabereki vevana vakabetserwa nemari yekuenda kuIndia gore rapera nekambani yeNOIC,Amai Hilda Taruza, vachema chema kuhurumende kuti dai yarapa vana vane zvirwere zvakadai semoyo negomarara pachena nguva dzose.

Vanotungamirira kurapwa kwezvirwere izvi paParirenyatwa, Dr David Chimuka, vati pamari yavapihwa iyi vari kutarisira kubatsira vanhu vane dambudziko remoyo vari pakati pemakumi masere kusvika kuzana.

Dr Chimuka vati vari kuendererawo mberi nekuramba vachitsvaka rubatsiro kune mamwe makambani munyika sezvo vachine mimwe michina inodiwa pakurapa chirwere chemoyo.

Dr Chimuka vati pari zvino Zimbabwe ndonyika yega mudunhu reSADC isina muchina weCardiothoracic unobatsira kurapa chirwere chemoyo munhu asina kuvhiyiwa pakuru.

Gurukota rezveutano, Dr David Parirenyatwa, avo vatambira mari iyi vakamiririra chipatara cheParirenyatwa, vatenda zvikuru rubatsiro urwu. Dr Parirenyatwa vatiwo kunyange hazvo bazi ravo rakakosha zvikuru, nguva nenguva rinopiwa mari shoma mubhajeti yehurumende.

Kuvhiyiwa moyo kunoda mari iri pakati pezviuru zvina kusvika kuzviuru zvitanhatu zvemadhora.

Dr Parirenyatwa vakurudzirawo veruzhinji kuti varapwe munyika kwete kubuda kunze kwenyika vachiti Zimbabwe ina vana chiremba nyanzvi.

Asi kurudziro yaVaParirenyatwa inopesana nezvinoitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemhuri yavo, avo vanoenda kunorapwa kunze kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG