Accessibility links

Breaking News

NSSA Yobatsira Vakuvari, Asi Vari paMudyandigere Votsamwiswa neMari Dzavari Kupihwa


NSSA 6
NSSA 6

Apo vanhu vari kutambira mari yemudyandigere vari kuramba vachichema-chema kuti mari yacho ishoma, gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, Amai Prisca Mupfumira, vanoti hurumende iri mushishi kugadzirisa nyaya iyi.

Vachipindura mibvunzo kubva kuvatapi venhau pamusoro pekuti mari inotambirwa nevanhu vari pamudyandigere ichawedzerwa riinhi, Amai Mupfumira vati bazi reNSSA riri mushishi kugadzirisa nyaya iyi.

Amai Mupfumira, avo vange vari munyarikani pachiitiko cheOpen Day yeNSSA Workers’ Compensation Rehabilitation Centre, vatiwo hurumende ine hurongwa hwekuti vanhu vanozvishandira pachavo vega vagokwanisa kuvewo vachibhadhara mari kuNSSA kuti vagozokwanisawo kuwana mari yemudyandigere kana vakwegura.

Pari zvino vanhu vari pamudyandigere vanotambira madhora makumi mana pamwedzi uye hurumende yaive yati ichawedzera mari iyi kuti isave iri pasi pezana remadhora kubva muna Kurume wegore rino, asi izvi hazvina kuitika.

Amai Mupfumira vati kubvira muna Kubvumbi wegore rino NSSA yakatanga hurongwa hwekubatsira nemari pakuviga nhengo dzeNSSA dzinenge dzafa.

NSSA Rehabilitation Centre inzvimbo inorapa vanhu vanenge vakuvara vari pamabasa uye nzvimbo iyi ine mimwe michina yechizvino-zvino isingawanikwe kune zvimwe zvipatara.

Mukuru weNSSA, Muzvare Liz Chitiga, vabvuma kuti vanhu vakawanda havazive nezvenzvimbo iyi, asi vati kambani yavo ine hurongwa hwekuti veruzhinji vakwanise kurapiwa panzvimbo.

Mumwe wevanhu vakarapwa paNSSA Rehabilitation Centre ndiVaZuze Nzerere avo vakakuvara vari mumugodhi mavaishanda.

VaNzerere, avo vasisakwanise kufamba vega, vati vakarapwa vakadzidziswawo mabasa ekusona uye vanofara kuti kambani yavaishandira yakavadzorera pabasa.

Panguva imwe chete NSSA Rehabilitation Centre inokwanisa kuve nevanhu makumi manomwe vanenge vachirapwa vachigarapo.

Nzvimbo iyi, iyo iri pedyo nechipatara chikuru cheMpilo yakavhurwa mugore ra1971.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG