Accessibility links

Breaking News

Vagari Vekwa Muzarabani Voshora Mitero Yavari Kubhadhariswa Kana Vachida Kunotengesa Mombe


Mombe zhinji dzinonzi dzisikutengeswa nemari iri pasi pasi sezvo vatengi vasiri kubhadhara mari svunu.
Mombe zhinji dzinonzi dzisikutengeswa nemari iri pasi pasi sezvo vatengi vasiri kubhadhara mari svunu.

Vagari vekwaMuzarabani vanoti varikushushikana nemutero mutsva urikudiwa nekanzuru yemudunhu iri kuti vanhu vafambise mombe dzavo vachidziendesa kunotengesa.

Mumwe mugari wemudunhu iri Justine Chimbwanda anoti zvinhu zvirikuwomera vanhu nekuti dunhu iri rakatarisana nenzara uye vazhinji vave kutotengesa zvipfuyo zvavo zvakaita semombe nemari iri pasi pasi.

VaChimbwanda vanoti vanhu vazhinji vemudunhu varikutarisana nenzara sezvo mvura isina kunaya nenguva mwaka uno.

"Dai hurumende yataura nemakanzura kuti vagadzirise zvinhu sezvo mari dzirikudiwa dzemitero yekuti tikwanise kutengesa mombe dzedu dzawandisa nekuti pane zvakawanda zvatinofanirwa kubhadhara zvinosanganisira mari dzekutakura zvipfuyo zvedu zvichiendeswa kunotengeswa," Va Chimbwanda vaudza Studio7.

Dzvimbo zhinji munyika dzinonzi dzirikutarisana nenzara mwaka uno. Vana mudhomeni vazhinji nemasangano anomirira varimi arikukurudzira vane zvipfuwo zvakadayi semombe kuti vatengese pachiri nenguva sezvo nzara yegore rino irikubatawo kuzvipfuyo.

Hurukuro NaVa Justine Chimbwanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG