Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kudzora Dhora reZimbabwe Muchivande?


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Hurumende yatanga kuita nhaurirano nevemabhizimisi ichizeya nyaya yekudzora dhora remunyika kana kuti Zimbabwe dollar.

Izvi zviri nemapazi anoona nezvehupfumi, mapazi ose ane chekuita nemafambisirwo ezvehupfumi, kusanganisira remigohi nerekutengeserana, pamwe nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe

Asi nyaya iyi yakonzeresa mutauro wakanyanya munyika vamwe vachiti nyika yave kudzokera kumazivandadzoka sezvo kurembera kwayakaita ikozvino kuri nani pane kudonha.

Asi vamwe vanoti nekushomeka kwemari mumamabhanga hapana kusiri kufa.

Gurukota rinoona nezvezviwanikwa, VaWalter Chidhakwa, vanoti hurumende ine hurongwa hwekudzora dhora remunyika rakaberekwa negoridhe.

Vachitaura nebepanhau reHerald, VaChidhakwa vati izvi zviri kuitwa nenyaya yekuti munyika hamuna mari zvapa kuti hupfumi hunyanye kuenda kumawere.

Vanotiwo hurumende yatotanga kuyedza kutenga goridhe richapa kuti dhora remunyika ridzoke. America yakapedzisira kushandisa hurongwa hwegoridhe uhu muna 1971.

Mukuru wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vatenda kuti misangano yakadai iri kuitwa nehurumende.

Asi VaMutashu vatenda kuti zvakakosha kuti hurumende ipe vanhu chivimbo chekuti yagadzirisa zvose zvinodiwa kuti dhora ridzoke pasingazoite zinyekenyeke.

Mashoko aya atsinhirwawo nevaimbova gurukota rezvemari, uye vachitungamira bato rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, avo vati kuda kudzora dhora remunyika pari zvino kukokera mhepo wakasenga mamera mutswanda.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira zvidzidzo paZimbabwe Ezekiel Guti University, Doctor Gift Mugano, vati vanotenderanawo naVaBiti.

VaMugano vanotiwo zviri kuda kuitwa neZimbabwe zvekudzora dhora reZimbabwe mushure mekushandisa rekuAmerica hazvisati zvamboitika munhoroondo yepasi rino.

Doctor Mugano vati panyaya yekudzora dhora, hurumende inofanirawo kupa vanhu chivimbo kwete kuda kuvabata kumeso.

Mashoko aya atsinhirwawo naVaBiti vati hurumende inoziva zvinofanira kuitwa uye ikasadaro inenge yazvisikira moto muziso.

Bhanga rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund, iro rakashora kuparurwa kwemabond notes, rinoti hurumende inofanira kurega kushandisa mari yaisina.

Muna 2009 Zimbabwe yakatanga kushandisa mari yekune dzimwe nyika mushure mekunge mabearer cheques ainge aparurwa nevaive gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, anyanya kushaya simba kubva muna 2008 kusvika muna 2009.

Vamwe vanoti zviri nani kuti Zimbabwe ishandise mari yekuSouth Africa, vamwe vachiti zviripo zviri nani asi hurumende inofanira kumira nyaya yekushandisa mari seyakabhejerwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG