Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoronga Kubvisa Mutemo weDual Citizenship?


VaTobaiwa Mudede
VaTobaiwa Mudede

Bato reZAPU rinoti rinopokana nehurongwa hwehurumende hwekuda kuchinja bumbiro remitemo kuitira kuti vanhu vemunyika vasabvumidzwe kuve nemagwaro anoratidza kuti ndeve kune imwe nyika kunze kweZimbabwe, kana kuti dual citizenship.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vaudza Studio7 kuti bato ravo rinoshushikana nemashoko aRegstrar General, VaTobaiwa Mudede, ekuti hurumende haizi kuzogadzirisa mutemo kuti uwirirane nebumbiro remitemo wenyika panyaya yedual citizenship.

VaMaphosa vati bato ravo rinoona maitiro akadaro kuri kusaremekedza zvido zvevanhu.

VaMudede vakabuda mumapepanhau ehurumende vachiti bazi ravo riri kuda kuti mutemo wekuti vanhu vemuZimbabwe vave ne dual citizenship ubviswe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuna VaMudede kana kugurukota rezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo, panyaya iyi.

Asi vanokokera Zanu PF muparamende, VaLovemore Matuke, vakati ichokwadi kuti Zanu PF iri kuda kuvandudza bumbiro remitemo kuitira kuti dual citizenship ibviswe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMatshobana Ncube, vati kunyange hazvo VaMudede vasingakwanise kuve vanotaura vakamirira hurumende yeZanu PF, matauriro avo anogona kuve anoratidza maonero ebato reZanu PF, vachitiwo bato iri rine chikonzero chekusada kuti munyika muve nedual citizenship.

Vatiwo kunyange vanhu vakasazvifarira, bato reZanu PF rinogona kuchinja mutemo sezvariri kuda kuita panyaya yekusarudzwa kwaChief Justice.

VaMaphosa vati havawone zvichikodzera kuti bumbiro remutemo wenyika riripo richinjwe nekuti rakanaka zvikuru vakatiwo kana kuri kuti hurumende ichaenderera mberi nekutora danho rekubvisa dual citizenship, bato ravo richatorawo matanho ekukurudzira veruzhinji kuti varambe izvi.

Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC T, Muzvare Tabitha Khumalo, vaudzawo Studio7 kuti bato ravo rinoshora mashoko aVaMudede uye richatorawo matanho ekuti veruzhinji varambe hurongwa uhu.

Vachitaura pamusangano wekuzeya nezvesarudzo dzemunyika wakaitwa muBulawayo munguva pfupi yapfuura, vakambove mumiriri wedare reseneti kuBulawayo East, uye variwo gweta, VaDavid Coltart, vakati zvinovashamisa kuti Zimbabwe inotadza kuti vanhu vemunyika vanogara kunze kwenyika vakwanise kuvhota, vachiti izvi zvinoitwa nenyika dzakawanda kusanganisira dzakati komberedza.

Vakati hapana chavanoona chinonetsa kuti hurumende iise mutemo we dual citizenship sezvo veruzhinji vakabuda pachena kuti ndizvo zvavanoda.

VaDidmus Dewa mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro nerunyararo neZimbabwe Open University.

Vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, VaDewa vati chinhu chave kuitika zvakanyanya pasi rose kuti vanhu vemunyika dzakasiyana-siyana vanogona kuve vachigara vachishanda mune dzimwe nyika.

Vati nekuda kwekuti vanhu vakadaro vanobatsira zvakanyanya kuunza budiriro kunyika dzavanobva, zvakakosha kuti vanhu ava vawane kodzero yekuve nedual citizenship.

VaMudede vakati havafare nechiga chedual citizenship chiri mubumbiro remitemo wenyika nekuti hachipi mukana wekuti munhu atore chitsitsidzo chekuti achazvipira nemoyo wake wose kuve mwana weZimbabwe, inonzi patriotic pledge muchirungu.

Asi vakawanda vanoti vebato reZanu PF vanoramba danho redual citizenship nekuti vanotya kuti vanhu vakwanda vari kunze kwenyika vakapiwa kodzero iyi vanozovhotera mapato anopikisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG